Accessibility links

Breaking News

Masangano eKodzero dzeVanhu Okurudzira FIFA Kusaita Muguta Ndega


Apo pasi rose rakamirira kutanga kwemakwikwi enhabvu e2010 World Cup neChishanu kuSouth Africa, mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu ari muWashington DC ari kukurudzira sangano re FIFA kuti risaite muguta ndega, kuitira kuti nyika dzinoitirwa mitambo iyi, dzibudirire panopera makwikwi aya.

Masangano eAfrica Action neWallace Global Fund akaronga musangano neChitatu wekuzeya makwikwi aya, nezvinowanikwa kubva mumakwikwi aya neFIFA nenyika dzinotambirwa mitambo iyi.

Vachitaura pamusangano uyu mutungamiri wechirongwa chekushambadza muAfrica Action, Va Briggs Bomba, vakati Fifa inofanirwa kuvandudza mafambisiro airi kuita zvinhu munyika dzinoitirwa makwikwi aya.

VaBomba vakati kodzero dzevanhu hadzina kuremekedzwa pagadziriro uye pakufambiswa kwemakwikwi aya, sezvo vagari vemunyika dzinoitirwa mitambo iyi, vasinganyanyozowana cheuviri chakafanana nezvinowanikwa neFIFA.

Mumwe mudzidzisi wekuKwaZulu Natal School of Development Studies, uyezve vari mutungamiri wesangano re Centre for Civil Society muDurban, Va Patrick Bond, vakatiwo FIFA inofanirwa kupihwa red card mumafambisirwo anoita mitambo yenhabvu pasi rose sezvo sangano iri risiri kuremekedza kodzero dzevanhu, zvikuru panyaya dzemari dzichazowanikwa nevari munyika dziri kuitirwa mitambo iyi.

Vagari vemuSouth Africa vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchashanduka sezvo zviuru nezviuru zvevashanyi zviri kutarisirwa kunge zviri pamakwikwi aya.

Asi VaBomba vakati kunyange hazvo pane mari ichasara munyika iyi, hupfumi hwakawanda huchatorwa nesangano reFIFA sezvo zvizvarwa zvemuSouth Africa zvisina kupihwa mukana wekuita mamwe mabasa akakosha akapihwa kuzvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa. Vati izvi zvinoreva kuti mari iyi haisi kuzosara munyika iyi.

Mumwe munyori wenhau dzenhabvu, Dave Zurin, uyo anoshanda ne XM Satellite weekly show , Edge Of Sports Radio, iri muAmerica, anoti ari kushungurudzwa nehuwori huri mumutambo wenhabvu zvikuru pamakwikwi makuru akaita se2010 World Cup, sezvo vanhu vari munyika dzinotirwa mitambo iyi, vasingazowane hupfumi hunowanikwa nemasangano anoronga mitambo iyi.

Sangano reFIFA rinonzi riri kutarisira kuita mari inodarika $25 billion pamakwikwi aya emuSouth Africa, izvo zviri kushungurudza vanorwira kodzero dzevanhu.


VaBomba vanoti masangano akaita se FIFA anogona kushandura mafambisiro aanoita mitambo mikuru seye World Cup kuitira kuti vanhu vari munyika dzinoitirwa makwikwi aya vawanewo cheuviri.

World Cup iri kuitirwa mu Africa kekutanga kubva pakatanga mitambo iyi mugore ra1930. Nyika makumi matatu nembiri dzichange dzichikweshana kuitira kuti pabude shasha imwe chete.

Italy ndiyo ine mukombe we 2006 World Cup mushure mekukunda France.

XS
SM
MD
LG