Accessibility links

Breaking News

Masangano Anobatsira Anoti Nyika Yakatarisana neNzara Huru


Vanhu vakawanda munyika vanonzi vakatarisana nenzara sezvo nyika isina kuwana mvura yakakwana mwaka uno.

Sangano reRed Cross rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vakatarisana nenzara.

Gwaro rakaburitswa mwedzi wapera nehurumende pamwe nemasangano anobatsira rinoti zvikamu gumi nechimwe kubva muzana zvezvirimwa zvakadyarwa mwaka uno, zvakatoparara nekuda kwekushaya mvura.

Mugwaro raburitswa neRed Cross, sangano iri riri kukumbira masangano anobatsira kuti aunganidze mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora ekuAmerica kuti patengwe chikafu chekubatsira vanhu vasina, zvikuru mumaruwa.

Vanoona nezvezvirongwa zvesangano reInter Church Organisation for Development Cooperations muZimbabwe, VaFambai Ngirande, vanoti hurumende yemubatanidzwa haisi kuita zvizhinji mukubatsira vanhu munyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzechikafu dzinoti pane zvinhu zvakawanda zviri kukonzera kuti munyika musaite chikafu chakawanda. Nyanzvi idzi dzinoti varimi vazhinji havachada kurima chibage, sezvo mutengo wacho wakadzikira zvikuru, uye vasingakwanisi kuzochitengesa kunze kwenyika.

Varimi vazhinji vanonzi vava kufarira kurima fodya iyo inonzi inopa mari yakawanda.

Rimwewo dambudziko rinonzi riri kuita kuti zvinhu zvinyanyooma munyaya dzechikafu, kushaikwa kwemari yekunze kuti veruzhinji vakwanise kutenga chikafu chiri kuwanikwa muzvitoro.

Mutungamiri weChristian Care, Reverend Forbes Matonga, pamwe nasachigaro weNANGO, VaJohn Chitekuteku, vanoti hurumende nemasangano anopa rubatsiro, vanofanirwa kushanda pamwe mukudzivirira dambudziko renzara munyika.

XS
SM
MD
LG