Accessibility links

Breaking News

Kodzero dzeKubvisa Pamuviri Dzozeyiwa muZimbabwe


Zimbabwe Women
Zimbabwe Women

Masangano akazvimirira asangana muHarare neChishanu achizeya nzira dzekuvandudza mitemo inobata kubviswa kwepamuviri kuitira kuti vanhu vasaomeserwe munyaya dzekubvisa pamuviri pavanenge vasingadi.

Musangano uyu, uyo wakokerwa ne Women’s Action Group ne Safe Abortion Action Fund, waumba komiti yavana chipangamazano ichanyora gwaro rinotara shuviro yevanhukadzi panyaya dzekubvisa pamuviri, kuitira kuti paramende idzike mitemo inoenderana nezviri kuitika.

Chipangamazano munyaya iyi, Amai Phyllis Mbanje, vanoti kubviswa kwepamiviri zvisiri pamutemo kuri kupinza madzimai akawanda munjodzi.

Chipangamazano mu Women’s Action Group, Doctor Marvin Chiweshe, vanoti pari zvino Zimbabwe haibvumidzi kubviswa kwepamuviri kunze kwekuti kana munhu abatwa chibharo, kana pamuviri pacho pachiisa mutakuri munjodzi, uye kuitiswa pamuviri nemunhu wehukama.

Zimbabwe Women Lawyers Association yaburitsawo pachena kuti mitemo yezvekubviswa kwepamuviri haisati yave kunzwisiswa zvakakwana munyika.

Sangano iri rati pane basa guru rinofanirwa kuitwa kuitira kubatsira madzimai nevanasikana vanorasikirwa nehupenyu vachiedza kubvisa pamuviri.

Mamwe masangano anga apindawo achipawo pfungwa dzawo anosanganisira ROOTS nemamwewo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG