Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oronga Kuratidzira


Masangano akazvimirira ari pasi pemubatanidzwa weCrisis in Zimbabwe Coalition, anoti ari kuronga kuratidzira achinyunyuta nemhirizhonga yaanoti iri kuitika munyika ichikonzereswa nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Masangano aya anonzi ari kuda kuti hurumende yemubatanidzwa imise mhirizhonga inonzi neMDC iri kukonzereswa nevatsigiri veZanu PF. Asi hapana zuva rati ratarwa rekuratidzira uku.

Mugore ra2007 masangano akazvimirira, achishanda pamwe nemachechi, vakabatana pasi pechirongwa chainzi “Save Zimbabwe Campaign” vakaita munamato yekunamatira nyika mumusha weHighfield.

Asi hurongwa uhu hwakazovhiringidzwa nemapurisa, ayo akakuvadza zvinosiririsa, vanhu vanosanganisira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, dzimwe nhengo dzeMDC dzinoti Amai Sekai Holland, Muzvare Grace Kwinje, VaWilliam Bango, pamwe nasachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku.

Mutauri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPhilip Pasirayi, vaudza Studio7 kuti kuratidzira kwavo hakusi kuzonangana nebato rimwe chete riri muhurumende, uye hakuneyi nezviri kuitika kumaodzanyemba kweAfrica, uko vatungamiri veTunisia ne Egypt, vakamanikidzwa kusiya zvigaro zvavo muhurumende dzenyika idzi.

Hurumende inoti yakagadzirira kumisa hurongwa hunenge huchida kubvisa hurumende nechisimba.

XS
SM
MD
LG