Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okurudzira SADC Kuti Ikoshese Kodzero dzeVanhu


Masangano akazvimirira mudunhu rekuchamhembe kweAfrica ari kukurudzira sangano reSADC kuti rione kuti nhengo dzaro dzaremekedza kodzero dzevanhu kuitira kuti mudunhu iri muve nekugadzikana.

Masangano aya ari kutarisirwa kusvitsa gwaro rekurudziro iyi kumusangano weSADC uchaitwa svondo rinouya kuAngola.

Masangano aya, ayo akasangana muSouth Africa kutanga kwesvondo rino, anoti Zimbabwe imwe yenyika dzemuSADC dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakaipisisa, pamwe chete neDemocratic Republic of Change, Madagascar, Malawi neSwaziland.

Pane kutyirwawo kuti nyaya dzekurwira hutongo hwejekerere dziri kuitika munyika dzechi Arab, dzava kupindawo muAfrica, asi hurumende dzemuAfrica dzisiri kutambira shanduko iyi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa, vaudza Studio7 kuti chinonetsa muSADC ndechekuti zvisungo zvekodzero dzevanhu zvinenge zvaitwa hazvisi kuzotevedzwa nehurumende dzemuSADC.

Vanorwira kodzero dzevanhu uye vachitungamira sangano reCenter for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, vanoti semasangano akazvimirira, vacharamba vachiita kurudziro yekuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe muZimbabwe nedzimwe nyika dziri muSADC.

XS
SM
MD
LG