Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oronga Kusangana naVaZuma


Masangano akazvimirira oga anoti aendesa chikumbiro chekuti asangane nemutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, kuitira kuti vasvitse zvichemo zvavo pamusoro pemhirizhonga iri kuitika munyika.

Masangano aya anoti hurumende yemubatanidzwa iri kutadza kupedza mhirizhonga iyi, izvo zvava kupa kuti vasvitse nyaya iyi kuna VaZuma sezvo vari ivo muyananisi wegakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Sachigaro veCrisis In Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vanoti vakumbira mumiriri weSouth Africa muZimbabwe, kuti aendese chikumbiro chavo chekuti vasangane naVaZuma.

Masangano akazvimirira anoti haasi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu nemapurisa uye vasori.

Mapurisa anonzi ari kusunga nhengo dzeMDC pamwe nekushungurudza vadzidzi vanenge vachida kuratidzira murunyararo.

XS
SM
MD
LG