Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Osvibiswa Moyo neChirongwa cheCopac


Masangano akazvimirira anoti haana chivimbo chekuti hurumende ichaita basa rakanaka mukunyorwa kwebumbiro idzva. Masangana aya ari kusangana muBulawayo umo ari kuzeya mamiriro akaita zvinhu.

Masangano aya anoti zvichange zviri mubumbiro idzva zvichange zvisingamirire zvido zveveruzhinji. Munyori mukuru we MDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, Va Welshman Ncube, vanonzi vari kuratidzawo kusafara nefambiro ari kuita chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.

VaNcube vanoti vati bumbiro iri richange rakashata kudarika Kariba Draft.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Va Abel Chikomo, vanoti vanhu vakawanda vari kubvumirana kuti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva chakavhiringwa nemhirizhonga, izvo zvichaita kuti pfungwa dzeveruzhinji dzinge dzisiri mubumbirio iri.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvichabuda pachena kuti vanhu vanotambira here kana kusatambira bumbiro iri kana paitwa referendamu.

Pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kutanga yanyora bumbiro idzva, iro rinozoshandiswa mukuita sarudzo dzemunyika.

XS
SM
MD
LG