Mamwe masangano akazvimirira matatu anoti ari kutumirawo vaongorori mazana mana nemakumi maviri avo vachange vachiona mafambiro achange achiita chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebumbiro idzva remitemo yenyika, icho chiri kutarisirwa kutanga neChitatu.
Masangano anoti reZimbabwe Peace Project, ZESN, pamwe neZimbabwe Lawyers for Human Rights, anoti vaongorori ava vachange vachiunganidza humbowo hwezvinenge zvichiitika pakunzwa pfungwa dzevanhu, mamiriro ezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nemhirizhonga.
Kunyange hazvo vatungamiri vatatu vari muhurumende vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vape pfungwa dzavo murunyararo, mhirizhonga inonzi yakatotanga kare mumatunhu akaita seMashonaland East neMashonaland Central.
Mutungamiri weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vaudza Studio 7 kuti vanovimba kuti vana veZimbabwe vachakwanisa kupa pfungwa dzavo murunyararo, uye vakasununguka.
Masangano Akazvimirira Anoti Achatumirawo Vaongorori paBumbiro reMitemo Idzva
- Jonga Kandemiiri