Bazi reZimbabwe National Statistics Agency razivisa nhasi kuti inflation kana kuti mutengo wekukwira kwezvinhu wasvika pazvikamu zvishanu nezviga zvina kubva muzana kana kuti 5,4% kubva pazvikamu zvina nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 4,8%.
Aka ndekekutanga kubva muna 2010 inflation ichikwira zvakanyanya kudai. Mitengo yezvinhu zvekudya kunyanya yakakwira zvakapetwa kaviri mwedzi wapera zvichikonzerwa nekudhura kwedhora rekuAmerica zvichinenzaniswa nemari dzemaBond notes.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Steve H. Hanke, vanodzidzisa zvemari nehupfumi kuJohns Hopkins University, muno mu Amerika vanoti kusvika musi wa 12 mwedzi wakapera, inflation yainge yasvika pa zvikamu mazana vaviri nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 225%.
Bhanga rinokweretesa mari nyika dzepasirino reInternational Monetary Fund-IMF rinoti kuzosvika mukupera kwe gore kusakosha kwemari kuchange kwave kusvika kuzvikamu zvitanhatu nezvitatu muzana.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti kuzopera kwegore inflation inogona kukwira kupfuura zvikamu zvitanhatu kubva muzana.
Facebook Forum