Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti kutanga mwedzi uno mari dziri kutambirwa nevari pamudyandigere dziri kuwedzerwa kusvika pamadhora makumi matatu ekuAmerica kana kuti US$30.
VaMavima vati hurumende ine chido chekuti vari pamudyandigere vatambire mari inosvika makumi matanhatu emadhora kana kuti US$60 inokurudzirwa nesangano reInternational Labour Organization mukupera kwegore.
Mari iri kuwedzerwa inenge ichipihwa vari pamudyandigere vaibhadhara mari kuNational Social Security Authority kana kuti NSSA nemadhora emunyika ichienzaniswa neyepamusika wemari weReserve Bank of Zimbabwe kana kuti RBZ foreign currency auction.
Asi munyori mukuru wesangano reAssociation of National Social Security Retirees VaGideon Shoko vanoti mari iri kutambirwa iyi haikwane sezvo iri pasi zvakanyanya pamari yekuti mhuri irarame.
Zimbabwe National Statistics Agency inoti mhuri ine vanhu vashanu inoda mari inodarika zviuru makumi maviri nemasere pamwedzi kana kuti ZW$28, 000.
Facebook Forum