Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe yadzokera zvakare kumazivandadzoka munyaya dzezvehupfumi kana kuti hyperinflation izvo zvakamboitika mumakore ekuma2007 na2008 kunyange hazvo hurumende iri kuramba kuti izvi ndizvo zvave kuitika.
Nyanzvi idzi dzinoti kusagadzikana kwezvinhu munyaya yemari vamwe vachiramba kutambira mari dziri pasi pemasendi makumi mashanu, munongedzo wekuti zvinhu zvava kuenda kumawere.
Mari yakaparurwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, yendarama iri pasi pemasendi makumi mashanu yave kuramba kutambirwa nevanhu vakawanda munyika kusanganisira vemabhizimisi uye vemakombi nevanhuwo zvavo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.
Asi muzvinabhizimisi uye vakambotungamira Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka hazvo asi hazvisati zvaipisisisa pakuti vahu vati Zimbabwe yadzokera kumakore ekuma 2008.
Vachitaura mudare reparamende vhiki rapera, gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati hurumende ine hurongwa hwekuparura dzimwe mari dzemabepa dzemadhora gumi nemadhora makumi maviri.
Vachipa maonero avo, Doctor Kanyenze vanoti uku kuteya nzara neriva.
Chinangwa chekuisa mari dzidiki idzi kwainge kuine chinangwa chekuti zvisaite nyore kuchinja mari pamusika wemukoto.
Kuramba kutambirwa kwemari iyi kuri kureva kuti Zimbabwe iri kutadza kushandisa mari inosvika mamiriyoni mana nemaviri.
Vanhu, kusanganisirira vakwegura, vari kunetseka zvakanyanya kuwana mari mumabhanga.
Facebook Forum