Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oyambira Kutora Matanho Akasimba Kuzadzikisa Zvakataurwa naVaChiwenga Kurwisa Covid-19


Kutanga Muvhuro uno, hurumende kuburikidza nemapurisa yazivisa kuti ichasimbaradza zvirongwa zvekuona kuti mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yakaturwa kunyika nemutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano Doctor Constantino Chiwenga yatevedzerwa.

Mumashoko kuvatori venhau padandemutande ravo reTwitter, mapurisa ati arikuzotora matanho kuona kuti zvose zvakakurudzirwa nehurumende nemusi weMugovera zvazadzikiswa.

Vanhu havachabvumidzwe kuita magungano akafana nemitambo yenhabvu, nagitare, michato nezvimwe. Parufu vanhu vanofanira kunge vari makumi matatu chete.

Nzvimbo dzinotengeswa doro dzanzi dzivharwe nenguva dzeina uye vose vachawanikwa vachitengesa kana kunwa doro nguva iyi yadarika vachasungwa kunze kwevanonwira mumahotera nekumalodge. Mapurisa atiwo achange achifamba famba kuona kuti vanhu vari kutevedzera zvose zvakaziviswa naVaChiwenga.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzehutano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vati danho rehurumende rakanaka asi inofanira kutangawo yapangana mazano nevanhu vanozviitira mabasa emaoko, vemabhizimisi, vashandi nevamwe vose kuti paite sungawirirano.

Mitemo mutsva iyi iri kuuya apo bazi rezvehutano riri kuti huwandu hwevanhu vari kukufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya.

Bazi rezvehutano rinoti nemusi weSvondo hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa kubva zvachatanga kupararira vachiri chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi matatu nevaviri kana kuti 1, 632.

Vanhu zana nevanomwe kana kuti 107 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru makumi matatu nemapfumbamwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevapfumbamwe kana kuti 39, 959. Vanhu gumi nevaviri vakapora nemusi weSvondo zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nenomwe nevana kana kuti 37, 004.

Vanhu vachiri kurwara vave chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi maviri nevatatu kana kuti 1323. Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezana nemakumi mana nevanomwe kana kuti 693, 147 vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kekutanga.

Vamwe vanhu zviuru mazana mana negumi nemumwe nemazana mapfumbamwe negumi nemumwe kana kuti 413, 911 vakabayiwa nhomba kaviri sezvino kurudzirwa nenyanzvi munyaya dzezvehutano.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG