Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatanhatu Vanosungwa muSouth Africa Mushure


Va Denis Juru
Va Denis Juru

Mapurisa eku Durban kuSouth Africa anoti akasunga vanhu vatanhatu neChitatu manheru ku Van Reenen’s Pass, pamugwagwa we N3, uko kwairatidzirwa nevatyairi vemagonyeti vemuSouth Africa vachiti vari kutorerwa mabasa nevekunze.

Magonyeti maviri anonzi akapiswa mumhirizhonga iyi

Vasungwa ava vanonzi vamiswa pamberi pedare redzimhosva masikati neChina masikati.

Studio7 haina kukwanisa kuziva kuti vasungwa ava varegedzwa here, kana kuti vachiri muchitokisi.

Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko mu South Africa, Amai Nomvula Mokonyane, vati kuvharwa kwemigwagwa nevaratidziri ava kunodzosera kumashure budiriro nehupfumi hwenyika.

Vaudzawo paramende yavo kuti vanobatwa vachipara mhosva dzakadai, vachasungwa.

Kuratidzira kwakaitwa neChitatu kwakatora maawa gumi nemaviri uye motokari hadzisati dzofamba zvakanaka mumugwagwa uyu. Mumwe we vatyayiri, Va Edgar Sigauke, vanoti havana kurwiswa kunyange hazvo vaityira hupenyu hwavo.

Mukuru wesangano re International Cross Border Traders Association, Va Denis Juru, vanoti vanofara kuti hurumende ye South Africa yamira nezvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zvinotyaira magonyet aya.

Vanoti vatyairi vasakurumidze kukanganwa, asi vazvichengete pamugwagwa sezvo vasati vanyatsogutsina kuti izvi hazviitiki zvekare mumazuva anotevera.Va Juru vatendawo mapurisa ne basa ravari kuita kwese kwese,

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG