Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Osunga Muzvare Mamombe, Chimbiri Uku VaSikhala Vachiburitswa Mujeri


Muzvare Joanna Mamombe
Muzvare Joanna Mamombe

Mapurisa anonzi asunga zvakare mumiriri weHarare West, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nedzimwe nhengo mbiri dzeMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova.

Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vatatu ava vainge vatuka mapurisa mushure mekuratidzira kwevanhu pamahofisi ehurumende muHarare.

Nhengo dzeMDC Alliance dzange dzichitsutsumwa nekusungwa kwehengo dzebato ravo nemapurisa dzichikandwa mumajeri.

Muzvare Mamombe, Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova vanonzi vasungwa vari kwana chiremba kwavanga vachiongororwa zvichitevera kupambwa nekutochwa kwavanoti vakaitwa muna Chivabvu gore rapera. Asi Muzvare Marova vazoregererwa manheru eMuvhuro.

Nhengo dzeMDC Alliance idzi dzanga dzakachengetwa pakamba yemapurisa yeHarare Central.

Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaClifford Hlatswayo, vashora kusungwa kwaMuzvare Mamombe nevamwe vavo vachiti kuramba vatatu ava vachingosungwasungwa kushungurudzwa nehurumende zviri pachena.

Zvichakadaro, mapurisa anoshanda nekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission anonzi asunga mumwe mukuru wemapurisa mudunhu reMatabeland North, kana kuti Propol, Commissioner Erasmus Makodza nenyaya yehuori.

Vane ruzivo nezviri kuitika panyaya iyi vati VaMakodza vakachengetwa pakamba yeMarlborough muno muHarare uye vakatarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana kana vachinge vapomerwa mhosva zviri pamutemo.

Mutauriri weZACC, VaJohn Makamure, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe divi rekomisheni yavo panyaya iyi. Nekune rumwe rutivi, mutauriri wemapurisa, VaNyathi vati vanga vasati vave neruzivo nezvekusungwa kwaVaMakodza pamwe naMuzvare Mamombe nevamwe vavo vaviri.

Mune imwe nyaya yange iri mumatare, dare repamusoro rapa mumiriri weZengeza West mudare reparamende uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, mukana wekubvisa mari yechibatiso zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa mukana uyu nedare ramejasitiriti mwedzi wapera vachinzi ihoromori.

Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi vati hapana humbowo hunoratidza kuti VaSikhala munhu anogara achipara mhosva sezvo pasina pavakambobatwa nemhosva.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaFred Masarirevhu, vati vafadzwa nemutongo waturwa nedare panyaya yaVaSikhala. Vati VaSikhala vanzi vabhadhare zviuru makumi maviri nezvishanu semari yechibatiso uye kuti vasavhiringaidzane nevafakazi kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa.

VaSikhala vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekutenderedza mashoko emanyepo pavhidhiyo ekuti pane mwana ane mwedzi mitanhatu akarohwa nemboma nemapurisa akafa muHarare uye vakapomerwa zvakare imwe mhosva yekurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende kuburikidza nemashoko avanonzi vakataura vakatenderedza aya.

Asi mapurisa akaburitsa mashoko achiti mwana uyu mupenyu uye haana kukuvara kana kurohwa.

Nyaya iyi yakasungisawo mutori wenhau wHopewell Chin’ono pamwe nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vakazopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nematare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG