Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orwisana neveChidiki muChitungwiza


Mumusha weSt Mary’s, Chitungwiza nhasi maswere muine bata murefu bata mupfupi apo vechidiki vanofungidzirwa kuti ndeveMDC vange vachirwisana nemapurisa anodzivirira mhirizhonga afumo bata jongwe muromo akananga kumba kwemutevedzeri wesachigaro webato iri vari mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nerimwe sangano rinonzi Zimbabwe Concerned Citizens Forum ekuti nhengo dzaro dziri kuda kunovaka musasa padzimba dzevatungamiri vebato reMDC vanoti mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa, mumwe mutevedzeri wavo VaTendai Biti uye VaSikhala.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vatenda kuti muChitungwiza maita mhirizhonga kukapwanywa bazi uye kusungwa vamwe vanhu gumi nemumwe.

Asi VaSikhala vanoti zviri pachena kuti mapurisa ndiwo auya kuzosvokosva vanhu muChitungwiza.

VaSikhala handivo chete varara vamire vachitya kuitwa kanyama kanyama. Munyori mukuru webato iri VaTendai Biti vatiwo pane vamwe vamboyedza kuda kuuya kumba kwavo.

Vanokokera mabasa musangano reZimbabwe Concerned Citizens Forum VaTaurai Kandishaya vati vatungamiri veMDC ndivo vakadaidzira zvirango nekudaro ndokusaka vari kuronga kuenda kunovaka misasa padzimba dzavo.

Asi nhasi VaKandishaya vaudza Studio 7 kuti havana kunge vatumira nhengo dzavo kuenda kudzimba dzevatungamiri veMDC ava.

VaBiti vatiwo zviri pachena kuti vechidiki ava vari kushandiswa kubva kuhofisi yemutungamiri wenyika chaiyo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Mudha Ncube kana mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba. Asi mutevedzeri wegutukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati VaMnangagwa vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaNyathi vakurudzira mapato ose kuti akudze kutaurirana pane zvinenge zvichinetsa kwete tsvimbo mugotsi.

Nyaya yekunetsana panyaya yezvirango iyi iri kuuya apo mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa kuwedzera nerimwe gore zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vakuru muhurumende nemamwe makambani avo vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

America iri kupomera Zimbabwe mhosva yekutonga nechibhakera asi hurumende ichiti kubva zvayatorera varimi minda yakabva yaita seyageza negoka munyama.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG