Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orongazve Kusunga VaBennett veMDC


Zvinhu zvingangoite manyama amire nerongo muhurumende yemubatanidzwa mushure mekunge mapurisa ati ari kuda kusunga mubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennett.

Vamwe mumapurisa vasina kuda kudomwa nemazita vati VaBennet, avo vari kufungidzirwa kuti vari kuSouth Africa, vanofanira kusungwa vachingosvika munyika.

Mapurisa aya anoti VaBennet vari kupomerwa mhosva yekuzvidza dare nemashoko avo muna Chivabvu kubepanhau reGuardian rekuLondon apo vanonzi vakati vatongi vematare vane maoko akasviba sezvo vakapihwa minda.

VaBennet panguva iyi vainge vachitongerwa mhosva yekuda kupfuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mhosva iyi yakaraswa nedare reHigh Court asi muchuchusi mukuru wehurumende akabva apikisa mutongo uyu muSupreme Court.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vakaoma musoro muZanu-PF uye vamwe vakuru muchiuto nemapurisa ndivo vari kuda kuti VaBennet vakandwe mutirongo. NeMugovera, VaTsvangirai vakati vakaudza VaMugabe nezvevamwe muchiuto nemumapurisa vari kushandisa hofisi dzavo kudzvinyirira vanopikisa Zanu-PF.

Vanoti VaMugabe vakati vana vembwa havasvinure musi mumwe, nekudaro vanhu vakadaro vanoda kumbopihwa nguva. Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mutemo wemunyika unotarisa kuti wabuda mumba maani, chinova chinhu chisina kunaka.

XS
SM
MD
LG