Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza MDC Kuratidzira muBulawayo


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Mapurisa emuBulawayo arambidza zvekare bato rinopikisa reMDC kuratidzira muguta iri mangwana achiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika uye panogona kuita mhirizhonga.

Asi bato reMDC range richiri kuzeya kuti roenda kudare ramejastiriti here kana kuti kwete. Nezuro mapurisa akasunga nhengo dzeMDC sere kusanganisira sachigaro webato iri Muzvare Thabitha Khumalo avo vaikurudzira vanhu kuti varatidzire. Vose vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

Mapurisa akavapomera mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law Codification and Reform Act vachinzi vaifamba vachitaura manyepo nekuda kukonzera kusagadzikana munyika. Asi vakasungwa ava vari kuramba mhosva iyi vachitarisira kumiswa pamberi pedare mangwana.

Magweta eMDC achiri kuzeya kuti oenda kudare ramejastiriti here kana kuti kwete kunopikisa mutongo uyu. Izvi zvapa kuti muguta reBulawayo muite kusagadzikana sezvo munonzi mazara mapurisa, vasori nemauto.

Vanhu vemuguta iri vakawanda vagara vasiri kufara nekukandwa mujeri kwaChief Ndiweni kwemwedzi gumi nemisere vachinzi vakaputsa mudziyo yemunhu wemudunhu ravo.

Mapurisa asati arambidza kuratidzira kweMDC uku, pane mamwe masangano anonzi anodyidzana nebato reZanu-PF anonzi ange aendawo kudare repamusoro reHigh Court kuti vanopikisa varambidzwe kuratidzira.

Masangano aya anosanganisira Bulawayo United Residents Association, Confederation of Zimbabwe Retailers Association, Apostle Christian Mission of Zimbabwe neGrain Millers Association inotungamirwa naVaTafadzwa Musarara avo vakakwikwidza musarudzo dzemaprimary dzeZanu-PF.

Asi nyaya iyi yaraswa nedare sezvo mapurisa ayo ange achiendeswawo kumatare ange amisa kuratidzira uku uye masangano aya achinzi aenda kudare risiriro.

Studio 7 yabata gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaCain Mathema avo varamba kuti munyika mave kurambidzwa kuti vanhu varatidzire vachiti vanhu vanofanira kuratidzira murunyararo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti MDC iri kuda kukanganisa kugadzikana kwevanhu munyika.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reMDC muBulawayo VaSwithern Chiroodza vanoti muguta iri mazara mapurisa uye zvose izvi zvinombunyikidza kodzero dzavo.

Hurukuro naVaSwithern Chiroodza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG