Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okomberedza Muzinda weMDC


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa

Mapurisa anonzi aswera akakomba muzinda webato reMDC muHarare uye anonziwo anga achisecha motokari dzose dzanga dzichipinda mudhorobha izvo zvashorwa nebato reMDC.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka vaburitsa mashoko ekuti mapurisa aswera akakomba muzinda webato ravo izvo zvaita kuti mahofisi ebato ravo aswere akavharwa.

VaTamborinyoka vati kukombwa kwemahofisi avo kunouya apo mapurisa achiti akawana mahelmet anokwana mazana maviri nemakumi mashanu pane mamwe mahofisi ari pedyo nemahofisi avo.

Vati sebato havana chavanoziva nezvema helmet aya uye vati zvaitwa nemapurisa izvi inzira dzekutsvaga kunenedzera bato ravo mhosva dzavasinei nadzo.

Zvataurwa naVaTamborinyoka zvatsinhirwa neimwe nhengo yekomiti yepamusoro yeNational Executive muMDC, VaLovemore Chinoputsa.

Vagari vekune dzimwe nzvimbo dzakaita seEpworth neChitungwiza vanotiwo makombi anga achipinda mudhorobha anga achisechwawo nemapurisa.

VaFabian Mawanza vekuEpworth vanoti vanhu vanga vari mukombi yavanga vakakwira vachipinda mudhorobha vaburutswa vakatanga kusechwa nemapurisa anga akapakatira zvombo.

VaZebediah Kakono vekuChitungwiza vati kusechwa kwavaitwa nemapurisa zvisina tsarukano kushungurudzwa kuri pachena.

VaChinoputsa vati zvaitwa nemapurisa nhasi zvinoratidza kuti hapana musiyano pakati pehurumende yaVaMnangagwa neyevaimbova mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe.

Asi mutauriri wempaurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa ane zvaari kuferefeta maererano nekuwanikwa kwakaitwa ma helmets aya nezuro.

VaNyathi vatiwo kuwanda kwakaita mapurisa munzvimbo dzakasiyana-siyana inzira yekuchengetedza mutemo sezvinotarisirwa kuti mapurisa aite nebumbiro remitemo.

Zvichakadai, mapurisa akasunga vanhu gumi nevaviri pakawanikwa ma helmet aya.

Mubati wehomwe muMDC, VaDavid Coltart vaburitsawo mashoko padandemutande ravo reTwitter ekuti ma helmets aya ndeemumwewo muzvinabhizimusi akatoatengawo achida kutanga bhizimusi rake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG