Accessibility links

Mapurisa Oferefeta VaTsvangirai Achiti Vakaita Huori

  • Blessing Zulu

Mapurisa anoongorora nyaya dzehuori atanga kuferefeta nyaya iri kufungidzirwa kuti yakaparwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mapurisa aya ari kuferefeta nyaya yekuwana mari kwakaita VaTsvangirai kubva kubhanga guru renyika, iyo yakashandiswa mukutenga imba yavo muna Kew Drive kuHighlands.

Vamwe vakuru muhurumende vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe mbune, ndivo vakatoudza VaTsvangirai kuti vaende kunopihwa chikwereti chekutenga imba nagavhuna weRBZ, VaGideon Gono, muna 2009.

Izvi zvakaitika mushure mekunge MDC yabuda muhurumende yemubatanidzwa ichichema nenyaya dzinosanganisirawo yekuti VaMugabe vainge varamba kuti VaTsvangirai vapinde mudzimba dzehurumende dzakaita seState House kana Zimbabwe House.

Mapurisa anoti VaTsvangirai vakapihwa US$1,5m neRBZ kuti vatenge imba iyi.

Asi zvinonzi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakavapazve imwe mari pasi pebazi ravo kuti vatenge imba imwe cheteyo.

Apa mapurisa ndipo paari kuti pane huori hwakaitwa. Asi zvinonzwiwo VaTsvangirai vainge vatonyorerana chibvumirano kare negurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, pamwe nevaimbova gurukota rezvemabasa, Amai Theresa Makone, kuti vashandise mari yeRBZ sechikwereti kuti vatenge imba iyi kubva kuhurumende kwapera makore maviri.

Asi mapurisa anotiwo VaTsvangirai vari kutorawo mari yakawanda mukukwenezverwa kwemba iyi pamari yavari kupihwa nehurumende.

Gurukota rezvedzimba, VaGiles Mutseyekwa, vanoti kurambira dzimba kwaVaMugabe ndiko kwakapa kuti zvinhu zvinetse.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaLivingstone Dzikira, vanoti zvinoshamisa kuti VaTsvangirai vanotora mari kuna VaGono avo vavanoti ngavasiye basa.

XS
SM
MD
LG