Accessibility links

Mapurisa muHarare Anopinda Pamuzinda weMDC Nechisimba

  • Jonga Kandemiiri

Bato reMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rati mapurisa anodarika makumi matatu akapinda nechisimba pamuzinda waro iri weHarvest House neSvondo manheru ndokusunga vashandi vatatu pamwe nevechidiki vanomwe vedunhu reChitungwiza vakanga vari pamuzinda uyu.

Vashandi vatatu vakasungwa ava vanoti VaDesmond Ncube, VaTrust Phiri naVaHebert Murori, uye vanonzi vachiri mumaoko emapurisa. Mapurisa anonzi haasati apomera vasungwa ava mhosva.

Asi vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti mapurisa ari kuti pamuzinda apa pakanga paitika mhirizhonga. Matunhu maviri eMDC anoti Chitungwiza neHarare akaita misangano neSvondo masikati pamuzinda apa.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa sezvo nhare yemutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, yanga ichingorira pasina anodaira.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti havasati vaziva kite mapurisa ane chaakatora here pamahofisi avo apa, sezvo vaivepo vose vari ivo vakasungwa.

XS
SM
MD
LG