Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosecha Mahofisi eSangano reGALZ


Mapurisa
Mapurisa
Mapurisa anodarika makumi maviri anonzi akashanyira mahofisi esangano rengochani reGays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ, ari kuHarare neMuvhuro akatora midziyo yemakombiyuta nezvinyorwa zvesangano iri, achiti ari kutsvaka humbowo hwezvaaiti zvisina kukodzera zvinokurudzira kupararira kwehungochani.

Kubva usiku hweChishanu chapfuura, mapurisa anonzi ari kushanyirawo dzimba dzenhengo makumi mana neina dzesangano iri, idzo dzakambosungwa svondo rapera, achidzitsvaga.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, ndiwo ari kumirira nhengo dzeGALZ idzi, idzo dzinonzi dzapinda mukuhwanda zvichitevera kutsvagwa nemapurisa uku.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Andrew Phiri, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Sangano reAmnesty International neMuvhuro rakaburitsa mashoko anoshora zvikuru kushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dze GALZ idzi nemapurisa.

Sangano iri rakati zviri kuitwa nemapurisa izvi zvinotyora kodzero dzevanhu sezvo vanhu ava vasina mhaka dzavakapara pasi pemitemo yeZimbabwe.

Hurumende yeAmerica kuburikidza nemuzinda wayo muZimbabwe, yakashorawo zvikuru danho remapurisa iri, uye kwayinoti kushungurudzwa kwenhengo dzeGALZ.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti magweta avo ari kuona mamiriro akaita zvinhu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG