Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anovhiringidza Zviratidzwa zveZimRights Zvakare


Mapurisa akapakatira zvondo anonzi neMuvhuro akavharisa zviratidzwa zvemifananidzo zvesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights, akambochengetedza vanhu vana kuMasvingo.

Vatatu vevanhu vakanga vatorwa nemapurisa ava, vanonzi vakazoregwa. Asi sachigaro weZimrights mudunhu reMasvingo, VaJoel Hita, vanonzi vachiri mumaoko emapurisa.

ZimRights iri kutenderera nematunhu ari munyika ichiratidza mifananidzo inoratidza mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna 2008.

Mwedzi wapera, mapurisa emuHarare akavharisa kuratidzwa kwemifananidzo iyi, asi chiitiko ichi chakazoenderera mberi mushure mekupindira kwemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nematare edzimhosva.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa nemapurisa izvi zvinotovasimbisa mukuita basa ravo.

XS
SM
MD
LG