Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Vanhu Vatatu Vashaya Mushure Mekudonha kweNdege Diki yeCessna kuMasvingo


Mhando yendege yeCessna
Mhando yendege yeCessna

Vanhu vanosvika vatatu kana kuti vashanu vanofungirwa kuti vafa apo ndege diki yavange vachifamba nayo ichikwanisa kutakura vanhu vashanu yadonhera mugomo re Chemanjerenjere kuMatedzi pedyo nemugodhi weRenco Mine kuMasvingo South.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti parizvino pane vanhu vatatu vazivikanwa kuti vashaya munjodzi iyi asi mapurisa achiri kuferefeta.

Zvinonzi ndege iyi ye rwudzi rweCessna yange ichibva ku Chiredzi yakananga ku Vic Falls uye yange ine vanhu vanofungidzirwa kuti vashanyi vanga vauya kuzoona nzvimbo dzekushanyira munyika, uye vamwe vavo vachinzi ndeve kunyika yekuFinland.

Vakafanobata chigaro chemukuru webasa mubazi reAviation Authority of Zimbabwe mudunhu reMasvingo, VaKumbirai Mapisa, avo varamba kutapwa izwi ravo vatenda kuti ndege iyi yaita tsano pagomo reChemanjerenje.

VaMapisa vati vashandi vekubasa ravo vachiri kuferefeta kuti chii chapa kuti ndege iyi iite tsaona uye kuti vanhu vangani vashaika asi vamwe vachichifungidzira kuti vangangosvika kuvashanu.

Vati vachadeedza vatori venhau kana vave neruzivo rwakakwana, kuferefetwa kwe njodzi iyi kwapera.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaDenford Chikanyau, avo vasvika padonhera ndege iyi vanoti, mitumbi yevashaika yanga isingatarisiki uye vanhu vazhinji vamhanyirapo mushure mwekunzwa ruzha rwendege ichidonhera mugomo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG