Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Mhirizhonga Iri Kukonzerwa neMDC


Mapurisa ari kupomera bato reMDC mhosva yekukonzera mhirizhonga munyika, uye anoti achatora matanho akaomarara kune vari kutungamira mhirizhonga iyi.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, neChipiri vakaburitsa gwaro ravari kuzivisa kuti mapurisa achaita izvi zvisina tsvete kana kutarisa kumeso kwemunhu.

VaBvudzijena vakati mapurisa haasi kuzokanganiswa nezviri kutaurwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, iyo iri kuvapomera mhosva yekutora divi reZanu PF mumhirizhonga iri kuitika munyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi bato reMDC yaVaTsvangirai rati zviri kutaurwa nemapurisa kurota chaiko, sezvo vanhu vose vachiziva kuti mapurisa ane divi raakarerekera mukuita basa ravo.

Mutauriri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti mapurisa ari kupeta maoko nhengo dzavo dzichitambiswa chamutavanhava nenhengo dzeZanu PF.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo rinotsigira mashoko emapurisa sezvo pasina asingazivi kuti MDC ndiyo iri kukonzera mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG