Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti MDC-T Ndiyo Yonetsa neMhirizhonga


Mapurisa anoti MDC-T ndiyo iri pamusoro-soro panyaya dzemhirizhonga munyika, kunyange hazvo bato iri richigara richichema chema kuti nhengo dzaro dziri kuoneswa chamutavanhava nenhengo dzeZanu PF mapurisa akapeta maoko.

Mugwaro remapurisa raburitswa nebepanhau reHerald, mapurisa anoti pane mhirizhonga dzakaitika mubato iri dzinodarika makumi maviri. Gwaro remapurisa iri, iro rakaburitsa neChipiri, rinodonongodza mhirizhonga dzakaitika mubato iri kubva muna Ndira wegore rino, kusvika muna Kubvumbi.

Mapurisa anoti mhirizhonga dzakanyanya mubato iri dzakaitika munguva yegadziriro yekongiresi huru yebato iri.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakashorawo zvikuru mhirizhonga yakaitika mubato ravo, vakavimbisa kutora matanho akaomarara kune vose vachawanikwa vaine chekuita nemhirizhonga idzi.

Matunhu akaita seMasvingo, Bulawayo neMidlands, ndiwo anonzi akanyanya kusangana nemhirizhonga, izvo zvakazoita kuti hutungamiri hweMDC hupinde mumatunhu aya nechinangwa chekuda kupodza kusawirirana uko kwakanga kwotyirwa kuti kungangokanganisa kongiresi.

Bepanhau reNewsday ratiwo mudunhu reManicaland dzimwe nhengo dzebato reMDC dziri kuoneswa chitsvuku nechikwata charati chinozivikanwa nezita rekuti “Hunters”, uye chikwata ichi chiri kurwisa vanopikisana nevamwe vatungamiri vari muMDC mudunhu iri.

Mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti havatambiri gwaro remapurisa iri iro vati harisi kutaura chokwadi, sezvo riri kusiya mhirizhonga iri kuitwawo neZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhillip Pasirayi, vanotiwo havawirirani negwaro remapurisa iri sezvo masangano akaita seSADC chaiyo achiziva bato rinoita mhirizhonga muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG