Accessibility links

Mapurisa Anoti Akagadzirira Kudzivira Mhirizhonga muReferendamu neSarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa anoti akagadzirira kuchengetedza runyararo apo nyika yatarisana nereferendamu pamwe nesarudzo, idzo dzingangoitwa gore rino.

Vachitaura vari kuGuruve svondo rapera kumapurisa aiita zvidzidzo zvine chekuita nerunyararo panguva yesarudzo, mumwe mukuru mukuru wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Silence Pondo, vakati mapurisa akagadzirira kuita zvaanobvumidzwa nebumbiro remitemo, zvekuchengetedza runyararo.

Vachitaurawo pachiitiko chimwechetecho, mutevedzeri wemukuru wemapurisa munyika, Deputy Commissioner General Josephine Shambare, vakatiwo rwendo rwuno mapurisa haasi kuzopa mukana kunhubu chero dziri muchipurisa kuti dzikanganise referendamu nesarudzo.

Mapurisa agara achipomerwa mhosva yekurerekera kubato reZanu PF kana achiita basa rawo.

Veruzhinji vanoti mapurisa haana zvaakaita mukuranga vakakonzeresa mhirizhonga musarudzo dza 2008, idzo dzinonzi dzakaurayisa vanhu vakawanda, uye vazhinji vakaremadzwa, ukuwo misha nezvipfuyo zvikaparadzwa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kanawo mutauriri wemapurisa kuti tinzwe divi ravo.

Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rinotambira chete mashoko emapurisa aya kana atanga asunga vakakonzeresa mhirizhonga musarudzo dzakapfuura, uye kusiyana nekurerekera kubato reZanu PF.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, ZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanotiwo kuti mapurisa aonekwe kuti ari kuita zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika, ngaasiyane netsika yekutarisa kuti munhu abuda mumba maani pakuita basa rawo.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo vanotenda dzanwa dzaswera nebenzi, sezvo vachiziva nhoroondo yemashandiro emapurisa.

XS
SM
MD
LG