Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Achiri Kuferefeta Kufa kwaMemory Machaya Kuchechi yeChipositori


Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe

Masangano anorwira kodzero dzevanasikana nemadzimai uye bazi reUnited Nations vari kukurudzira hurumende kuti iferefete zvakasimba nyaya yemwanasika ane makore gumi nemana, Memory Machaya akashaya achisungunuka ari pane imwe nzvimbo inonamatirwa nevekereke yechipositori kuBocha mudunhu reManicaland.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti mapurisa vanoda nguva chete asi vari kuferefeta nyaya iyi.

Kunyangwe zvisiri pamutemo, dzimwe kereke dzechipositori dziri kuroodza vana vasati vabvazera.

Gurukota rinoona nezvemadzimai Amai Sithembiso Nyoni vakurudzira kuti nyaya iyi iongorororwe vakashora zvakadai chiitiko ichi. Mumashoko kuvatori vanhau, united nations yati mwana mumwe chete pavatatu muzimbabwe anoroorwa asati abva zera ikakurudzira kusimbaradzwa kwemitemo nedzidziso kuti izvi zvisarambe zvichiitika.

Vamwe vanhu vari kunyorawo tsamba yenyunyuto pamadandemutande inonzi hashtags #endchildmarriagesnow and #justiceformemory.

Vanotungamira sangano rinorwira kodzero dzemwanasikana kumaruwa reRozaria Memorial Trust varizve mumiriri weAfrican Union pakodzero dzevana mukuyedza kupedza nyaya yekuvamanikidza kuroorwa vasati vabvazera Amai Nyaradzayi Gumbonzvanda vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi inoshungurudza zvikuru uye vakurudzira mapurisa kuti asunga vari kupomerwa mhosva.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG