Accessibility links

Vanhu Vatatu Vasungwa Munyaya Yechikepe Chakanyura Muna Lake Chivero Chikauraya Vana

  • Violet Gonda

Vatatu ava vachamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekukonzeresa kufa kwevanhu gumi nemumwe musi wekisimusi.

Mapurisa akasunga vanhu vatatu vanosanganisira muridzi wechikepe chakanyura muna Lake Chivero chikauraya vana gumi nemumwe musi wekisimusi.

Vasungwa muridzi we Chasura Boats, vaLatif Ameer, kaputeni wechikepe ichi, vaFadil Ramon, namakanika, Enock Yorani Zulu.

Vatatu ava vachamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekukonzeresa kufa kwevanhu ava. Izvi zvataurwa nemapurisa kupepanhau reHerald.

Chikepe ichi, icho chinonzi chaikwanisa kutakura vanhu vanomwe chete, chainga chakazarisa chiine vanhu gumi nevanomwe pachakanyura uye chaishanda zvisiri pamutemo.

Mapurisa anotiwo vanhu vaive muchikepe ichi vainge vasina kupfeka mbatya dzekuzvidzirira kuti vasanyure.

Mukuru we Elected Councillors Association of Zimbabwe, vaWorship Dumba, vaudza Studio 7 kuti vachange vachiita chirongwa semakanzura kuona kuti nzvimbo dzemafaro dzakaita se Lake Chivero dzine zvinodiwa pamutemo kudzvivirira kufa kwevanhu kana pachinga paita njodzi.

XS
SM
MD
LG