Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Vanosungisa Makanzura eMDC Masere muHarare


Makanzura emuHarare masere ari mukomiti yakaburitsa huwori hwaiitwa panyaya yenzvimbo dzekuvakirwa nevakuru vakuru muZanu PF, kusanganisira muzvinabhizinesi, VaPhillip Chiyangwa, pamwe negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, asungwa neChina achipomerwa mhosva yekusvibisa zita raVaChiyangwa.


Rimwe remagweta ari kumirira makunzura aya, VaSelby Hwacha, vanoti makanzura aya azvipira kumapurisa kuma 10 magwanani, uye kusvikira pari zvino, achiri kuHarare Central uko ari kubvunzurudzwa. Makanzura aya ose ndee MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaHwacha vati makanzura aya ari kupomerwa mhosva yekusvibisa zita raVaChiyangwa nekuvanyepera kuti vakaita chitsotsi apo vakatenga kana kuchinjana masitendi nekanzuru yeHarare.

VaHwacha vati mapurisa ange achidawo kubvunzurudza meya weguta, VaMuchadei Masunda, asi izvi hazvina kukwanisa kuitika sezvo VaMasunda vanga vasiri muHarare.

VaHwacha vati VaMasunda vachaenda kumapurisa neChishanu apo vanenge vadzoka muHarare.

Svondo rapfuura, komiti iyi, iyo iri kutungamirirwa naVaWarship Dumba, yakaburitsa humbowo hunoratidza kuti VaChiyangwa, VaChombo nevamwe vakuru vakuru muZanu PF, vaiita huwori apo vaitenga masitendi kubva kukanzuru.

Komiti iyi inot pane dzimwe nguva vakuru ava vaitengeserwa masitendi ekanzuru nemari iri pasi pasi, uye pese paiitwa izvi, mitemo yekanzuru yainge isiri kutevedzwa.

Komiti iyi inoti kunyange hazvo kanzuru yainge isingatsigiri izvi, vamwe vakuru vakuru mukanzuru vakaita semutungamiri webazi re urban planning services, VaPsychology Chiwanga, pamwe naVaCosmas Zvikaramba, mukuru webazi rezvemari, ndivo vaishanda naVaChiyangwa naVaChombo mukuita chitsotsi chekuti VaChiyangwa naVaChombo nevamwe vavo, vatengeserwe masitendi zviri kunze kwemutemo.

VaChiyangwa naVaChombo vakatenga masitendi kunzvimbo dzinodhura dzakaita seBorrowdale neGunhill, vachiita zvinonzi nekomiti yaVaDumba, zvechikiribidi.

Zvisungo zvekomiti yeVaDumba, izvo zvakatambirwa nekanzuru svondo rapfuura, zvinoti VaChiyangwa nevashandi vekanzuru vese vakaita chitsotsi, vanofanirwa kusungwa uye masitendi avakatengeserwa zvisiri pamutemo,
adzorerwe kukanzuru.

Mutauriri weMDC muHarare, VaWillas Madzimure, vanoti zviri kuitwa naVaChiyangwa kutyityidzira makanzura eMDC ari kuita basa rawo. Vati bato ravo richaenderera mberi richiongorora huwori mukanzuru iyi, uye vese vane mhosva, vachasungiswa..

XS
SM
MD
LG