Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Kucherechedzwa kweZuva ra11 Kurume 2007


Mapurisa anonzi anyima mvumo gungano rekucherechedza chiitiko chemusi wa11 Kurume 2007, iro ranga rakarongwa kuitwa mukupera kwesvondo rino kuZimbabwe Grounds muHarare, pasi pemubatanidzwa weSave Zimbabwe Campaign, uyo unounganidza machechi, masangano akazvimira pamwe nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Vari kutungamira mukuronga nezvegungano remunamato iri, vaudza Studio 7 kuti mapurisa haana kuvapa zvikonzero zvakatsarukana pamusoro pekurambidza kuitwa kwegungano iri.

Musi wa 11 Kurume 2007, mapurisa akapakata zvombo akaparadza zvine chisimba gungano rekunamatira runyararo munyika rakanga rarongwa neSave Zimabwe Campaign, munhu mumwe chete Gift Tandare uye vanhu vakawanda vanosanganisira mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai nasachigaro weNCA VaLovemore Madhuku vakakuwara zvakaipisisa uye kusungwa.

Mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nemapurisa zvinokatyamadza, sezvo gungano iri risineyi nezvematongerwo enyika. VaMwonzora vati mapurisa avapa zvikonzero zvekuti ari kugadzirira nezvezuva rekuwana kuzvitonga kuzere, iro ririko svondo inouya musi wa 18 Kubvumbi.

Vakafanobata chigaro chemukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vatiwo vachaenderera mberi nekucherechedza zuva iri, zvisinei nekuti mapurisa avanyima mvumo, sezvo vachingosungirwa kuvazivisa chete kwete kuvakumbira mvumo.

XS
SM
MD
LG