Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoedza Kumisa Musangano weNational Youth Development Trust muBulawayo


Muzvare Jessie Majome
Muzvare Jessie Majome
Mapurisa emuBulawayo anonzi amboedza kumisa musangano wanga wakarongwa nerimwe sangano revechidiki, reNational Youth Development Trust, achiti musangano uyu uri kunze kwemutemo.

Zvinonzi mapurisa asvika pamusangano uyu uchangotanga, akati usaenderera mberi, izvo zvazoita kuti vakuru vesangano revechidiki iri vamboenda kukamba nemapurisa aya.

Musangano uyu, uyo wanga uri wekuzeya zvakanangana nevechidiki zviri mubumbiro remitemo idzva uye kuti ringashandiswa sei, unonzi wazoenderera mberi kwapera maawa maviri.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa pamusoro pechiitiko ichi.

Asi vanga vari munyarikani anga achitaura pamusangano uyu, uye vari nhengo yeparamende inomirira Harare West, Muzvare Jessie Majome, vanoti vanyadzwa zvikuru nekuita kwemapurisa uku.

Muzvare Majome vanoti bumbiro remitemo idzva harimanikidzi vanhu kuti vapiwe mvumo nemapurisa, asi kuti vanokwanisa kuzivisa mapurisa nezvemisangano yavanenge vachida kuita.

Vechidiki vanodarika zana vanonzi vapinda mumusangano uyu, uyo wanga uri pasi pedingindira rinoti From Constitution Making to Building a Culture of Constitutionalism’.

Muzvare Majome vanoti zvisineyi nezvaitwa nemapurisa izvi, musangano uyu wabudirira zvikuru.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG