Accessibility links

Breaking News

Mapuria Oomesera Vasingawirirane neZanu-PF


Mapurisa ari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuvhiringidza misangano yose ine chekutita nevanofungidzirwa kuti havatenderani nebato reZanu-PF.

Mapurisa neChishanu akambochengetedza vadzidzi makumi matatu, ndokuvharira mutirongo vatungamiri vechimwe chikwata cheZINASU vatatu kukamba yemapurisa yeAvondale. Vadzidzi ava vainge vachida kurangarira hupenyu hwamushakabvu, Learnmore Jongwe, avo vakavamba sangano reZinasu.

Vadzidzi ava vakasungwa paUniversity of Zimbabwe muHarare. Svondo rino, mapurisa akarambidza mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuita misangano kuHighfield nekuGlen View. Vesangano rePTUZ vaida kuratidzira kuDzivarasekwa nekusafarira mumwe mukuru wechikoro cheko, vakarambidzwazve kuita izvi nemapurrisa neChina.

PTUZ yabva yakwirira mapurisa kumatare ichibatsirwa nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Dare reHigh Court rati richazeya nyaya iyi neMuvhuro.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector James Sabau, vaudza Studio 7 kuti havasati vasumwa nezvenyaya idzi.

Mutauriri wechimwe chikwata cheZINASU, VaKudakwashe Chakabva, vanoti havaone hurumende yemubatanidzwa iine zvairi kuvandudza munyaya dzekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG