Accessibility links

Breaking News

Maporofita Anorambidza Vanhu Kunwa Mishonga yeHIV Oshorwa Zvakanyanya


Antiretroviral (ARV)
Antiretroviral (ARV)

Vamwe vatungamiri vemakereke vanoti vari kushungurudzikana zvikuru nenyaya yevamwe vavo vanoudza vatenderi vavo kuti veregedze kunwa mishonga yemaparitsi inovaponesa vachiti vanenge vaporeswa mushure mekunge vanamatirwa.

Studio 7 yakataura nevatungamiri vakawanda nomusi weMugovera avo vakadoma imwe kereke iri muHarare yavanoti yakonzeresa kurwara kwakanyanya kwevatenderi vanenge vasiyiswa mishonga yavo, zvikuru iya inonwiwa nevaye vane hutachiwana hweHIV iyo inokonzera chirwere cheAids.

Vafundisi ava vanoti zviitiko izvi zvave kusvibisa makereke sezvo asiri ose anoita mabasa akashata saiwaya.

Mufundisi wekereke inonzi Cornerstone Fellowship International, Doctor Grace May Taruvinga vanoti hakuna mufundisi ane mvumo yekuudza mutenderi wake kuti asanwe mishonga yeHIV nokuti ibasa ravana chiremba avo vane dzidzo nekodzero dzokuita basa iroro.

Vanotiwo nyaya yokusiisa varwere mapiritsi aya yakangofanana nekuuraya munhu nokuti mimwe mishonga inonwiwa zvehupenyu hwese zvokuti munhu akaregedza anobva atofa.

VaGeorge Biswick, mufundisi wesangano rinonzi Christian Family Church yekuChitungwiza vanoti pane chitsotsi chiri kuitika kune mamwe makereke anoti vanhu vapupure kuti vaporeswa asi zvisina kupasiswa naana chiremba vakambovapa mapiritsi acho.

VaBiswick vanoti vakambosangana nemumwe munhu akange ave kurwara zvakaipisisa zvokuti vakazotanga kutaura naye vachimuudza kuti mwari anoshanda naana chiremba avo vakapiwa njere dzokuziva mishonga inorapa zvirwere zvese.

VaBiswick vanoti vafundisi ava vari kushandisa varapwi ava kushambadzira kuti vapora iri nzira yokuzkwezva vanhu kuti vauye kumakereke avo sezvinoita vemabhinimisi.

VaBiswick vakaratidza kusuwa nenyaya yokuti makereke haana kubatana nokudaro pari kushaikwa kutsiurana pachavo izvo zvave kukonzera kufa kwevatenderi vane zvirwere zvinokwanisa kurapika.

Reverend Oliver Mandisodza vanotungamira sangano reMen of Valour , Purpose and Vision Trust kana kuti MVPV , vanoti vafundisi havafanire kuita dambe nehupenyu hwevanhu nokuti vanachiremba ndivo vane ruzivo nehunyazvi mune nyaya dzezvehutano.

Mukuru wesangano reYoung Positives rinobatsira vechidiki vanorarama nehutachiwana hweHIV vaKelvin Magura, vanoti vari kusanganawo nevechidiki varidzoserwa hutano hwavo kumashure nemaporofita varikuvaudza kuti vainge vapodzwa neminamato yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zveHIV neTuberculosis kubazi rezvehutano Dr Chiedza Mupanguri vanoti ritori dambudzidzo ravari kusangana naro mazuva ose nemhosva yekuti makereke nemaporofita awandisa ayo ave kuvhiringidza hutano hwevarapwi .

Dr Mupanguri vanoti vanhu vakaregedza kunwa mishonga iyi vanozoguma varwadziwa nematenda erurindi kana kutemwa nemusoro zvakanyanyisa kana kuti kuita meningitis, zvinova zvinonetsa kurapa nokuti masoja anorwisa zvirwere izvi anenge akurirwa nehutachiwana hweHIV.

Dr Mupanguri vanoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete ine zana ndivo vanhu vari kunwa mishonga yechirwere cheHIV kubva mumirioni imwe chete ine mazana mana, zvichireva kuti kune vanhu mazana maviri ezviuru vasati vatakangisa kunwa mishonga iyi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvirwere zveHIV/Aids neTuberculosis mubazi rezvehutano Dr Tsitsi Apollo vanoti chimwe chikwata chevavhu vanoregedza kutora mishonga iyi ndeche vaye vakaenda kunoshanda kuSouth Africa neBotswana uko vasingakwanise kupiwa mishonga iyi zviri pachena sezvinoitwa muZimbabwe.

Dr Apollo vanoti varapwi ava vanozoguma varwara uye nedzimwe nguva voshaikira ikoko kana kuuya kuZimbabwe vaakurwarisa vongozosvika kumusha zvirwere izvi zvakomba uye zvisingachakwanisika kurapika kusvikira vazoshaya.

Dr Apollo vanoti munhu wese anenge atangisa kunwa mishonga inorwisa hutachiona hweHIV haafanire kuregedza nokuti mushonga uyu unomwiwa zveupenyu hwese pasina kuregedza.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG