Accessibility links

Breaking News

Mapeza Otaura Pamusoro peChikwata Chaakasarudza


Murairidzi mutsva wechikwata chema Warriors, VaNorman Mapeza, vanoti chido chavo ndechekuti chikwata chikwanise kubudirira kuenda kunotamba mumakwikwi eAfrica Cup of Nations uye vari kuyedza kuumba chikwata chine hunyanzvi huchaita kuti izvi zviitike.

Zimbabwe Warriors yakatarisana nemutambo mukuru neMali kupera kwemwedzi uno kuBamako uyo unofanirwa kuhwinwa nechikwata kuti chienderere mberi mumakwikwi aya.

VaMapeza vakapihwa basa nesangano reZIFA svondo rapfura zvichitevera kunyimwa mapepa ekushanda munyika kwakaita chizvarwa chekuBelgium, Tom Saintfeit, gore rapera.

VaMapeza vanoti pamusoro pekushandisa vatambi vane hunyanzvi pari zvino vave kuchashandisa vamwe vatambi vechidiki sa Khama Billiart mumwe mutambi achatamba mutambo wake wekutamba kuchikwata chemaWarriors.

Vatambi vanotambira kunze kwenyika vachange vari muchikwata pagadziriro iyi vanosanganisira, Justice Majabvi ari kutamba ari kuAustria, Noel Kaseke ari kutamba nhabvu ari ku Cyprus, Vusa Nyoni (Belgium), Ovidy Karuru (France), Onismor Bhasera ( England), Edward Sadomba (Sudan) nevatambi vari muSouth Africa vanoti, Norman Maroto, Thomas Sweswe , Knowldege Musona, Nyasha Mushekwi naTinashe Nengomasha.

VaMapeza vanoti kunyange hazvo vamwe vatambi vane hunyanzvi vasina kudaidzwa pamutambo uyu, vachazodaidzwa mumitambo inotevera.

XS
SM
MD
LG