Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Anoramwa Kuenda kuHeroes Acre Pakuvigwa kwaVaMasawi


Mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa aramwa kuenda kunzvimbo inovigwa magamba, yeNational Heroes Acre muHarare, uko kwange kuchivigwa nhengo yeZanu PF, VaEphraim Masawi.

Mapato aya anoti haasi kufara nehumbimbindoga huri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kuita humbimbindoga mukudomwa kwemagamba anovigwa paHeroes Acre.

Vachitaura pavanga vachivigwa VaMasawi, VaMugabe vati nzvimbo yeHeroes Acre inzvimbo inovigwa vanhu vakaita basa guru muhondo yechimurenga. Vatorawo mukana uyu kuudza vemakambani ekunze kuti kana vachida kutanga mabhizinesi munyika, vanofanirwa kutevedza mitemo yenyika.

Veruzhinji vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nebato reZanu PF zvekupa ruremekedzo rwegamba kunhengo dzaro chete pasina kubvunza mamwe mapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Nyaya yekudomwa kwemagamba enyika inyaya yava kuunza mitauro yakawanda kubva mumativi mana enyika, vamwe vachiti kana Zanu PF yarambira nenzvimbo yeHeroes Acre, mamwe mapato adii kutsvagawo nzvimbo yaanovigawo magamba awo.

Vamwewo vanoti vakuru-vakuru vanenge vashaya ava, ngavavigwe kumamisha kwavo, kuitira kupedza mitauro. Vamwewo vanoshoropodza danho ratorwa nemapato maviri eMDC, ayo aramwa kuenda kunoona VaMasawi vachivigwa kuHeroes Acre.

Vanhu ava vati MDC inofanirwa kumira zvakasimba panyaya iyi, sezvo mari dziri kushandiswa pakuvigwa kwemagamba aya, dziri kubva muhomwe yehurumende. Vayeuchidzawo zvakare bato reZanu PF kuti kutonga ingoma yemusiiranwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vaudza Studio 7 kuti panofanirwa kuumbwa homwe yemari yekubatsira mhuri dzevanenge vasarudzwa kuva magamba enyika, asi vanhu ava vachivigwa kumisha kwavo.

Vanoongororawo zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo panofanirwa kutariswa mabasa evanhu munyika yose pakusarudza gamba, kwete kungotarisa divi revezvematongerwo enyika chete.

XS
SM
MD
LG