Accessibility links

Breaking News

Mitongo yeMatare eDzimhosva Yofadza Veruzhinji Rwendo Rwuno


Svondo rapera kuMasvingo dare rakatongera vaimbova murwiri werusununguko, Va Gilbert Mavhenyengwa, kuti vagare mujeri kwemakore gumi nemaviri mushure mekunge vabata chibharo mumwe mudzimai ku Masvingo

Mapato ezvematongerwe enyika eMDC nemasangano akazvimirira ega anoti ari kufara zvikuru nemitongo yakapihwa nhengo dze ZANU-PF mushure mekunge nhengo idzi dzamiswa pamberi pematare dzikawanikwa dziine mhosva dzadzaipomerwa.

Svondo rapera dare redzimhosva rekuMasvingo rakatongera vaimbova murwiri werusununguko, Va Gilbert Mavhenyengwa, kuti vagare mujeri kwemakore gumi nemaviri mushure mekunge vawanikwa nedare iri vaine mhosva yekubata chibharo mumwe mudzimai kuMasvingo kwakare.

Nezuro, mutongi wedare repamusoro, Va Nicholas Mathonsi, vakatongera Farai Machaya, mwana waGavhuna we Midlands, Va Jason Machaya, nevamwe vake kuti vagare mumwe nemumwe mujeri kwamakore gumi nemasere mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekuponda Moses Chokuda mugore ra2009.

Vanhu vazhinji vari kufara nemitongo iyi vachiti kusiyana munyaya dzezvematongerwo enyika hakupedzwi nekurovana, kuurayana kanawo nemhirizhonga.

Mukokeri muparamende weMDC-T, VaInnocent Gonese, vanoti bato ragara richishushikana nemapurisa nguva zhinji avo vasingasungi vanhu veZanu PF, pamwe nevachuchisi vehurumende vanoramba kuti nyaya dzinenge dzaparwa neZanu PF dzisatongwe.

Ukuwo mukokeri weZANU-PFmuparamende, VaJoram Gumbo, vanoti bato ravo rachenurwa nemitongo iyi sezvo vanhu vanga vagara vachiti Zanu PF inotsigirwa nematare edzimhosva azere nhengo dzaro.

XS
SM
MD
LG