Accessibility links

Breaking News

Mapato neMasangano Akazvimirira Zvopesana paNguva Ingaitwe Sarudzo


Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)
Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakawirirana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, panyaya yekugadzirira kuitira kuti munyika muitwe sarudzo.

VaTsvangirai, avo vairatidza kuti vanenge vave kuneta nenyaya yemuchato wehurumende yemubatanidzwa, vakaudza vatori venhau kuti kunyange hazvo pasina kutenderanwa zuva resarudzo, vainge vogadzirira kuti sarudzo dziitwe gore rinouya mushure mekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Asi masangano akazvimirira oga, achitungamirwa neCrisis in Zimbabwe Coalition, anoti pane zvakawanda zviri kuda kutanga zvaitwa sarudzo dzisati dzaitwa. Izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo.

Vamwe vanotiwo ZANU-PF iri kuda kuita sarudzo nechimbichimbi nekuti ikanonoka VaMugabe vanenge vonyanya kukwegura izvo zvinozoita kuti vatadze kufamba vachitsvaga rutsigiro.

Ukuwo mashoko ari kubuda kubva kudare reparamende ari kuratidza kuti hapana kuwirirana panyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo.

VeZANU-PF vari kuti vari kuda kuti gwaro remazita evanhu vanovhota, voters roll, iite kuti vanhu vange vachivhotere panzvimbo yekuvhotera imwe chete inenge iri pedyo navo. Ukuwo veMDC vanoda kuti kuvhoterwa kuitirwe muwadhi yega yega umo vanhu vanozivana izvo zvinozoita kuti pasaitike mhirizhonga kana kurwisana.

Mutauriri weZANU-Pf, VaRugare Gumbo, vanoti vaneta nezvehurumende yemubatanidzwa, nekudaro vave kuda sarudzo kuti dziitwe nechimbi chimbi.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rakagadzirira kuita sarudzo chere nguva ndokana sarudzo idzi dzichiitwa pachitevedzwa zvose zvakatarwa neSADC.

Mutauriri weMDC inotungamirwa NavaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanotiwo sarudzo hadzibviri kuti dziitwe gore rinouya sezvo paine zvakawanda zvinoda kutanga zvaitwa.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde, vanotisigira kuti hurumende inofanirwa kutanga yazadzisa zvibvumirano zviri muGlobal Political Agreement pasati paitwa sarudzo munyika.

XS
SM
MD
LG