Accessibility links

Breaking News

United Nations Yotsinhira Nyaya dzeKutyisidzirwa neKuvhundutsirwa kweVanhu Zvikuru Kumaruwa.


Doctor Alex Magaisa
Doctor Alex Magaisa

Sangano reUnited Nations nemusi weChipiri rakayambira pasi rose nezvekutyisidzirwa nekuvimbiswa kwemhirizhonga kuri kunzi kuri kuitwa munyika mugadziriro yesarudzo dziri kuitwa nemusi weMuvhuro svondo rinouya. Izvi zvakaziviswa nehofisi yesangano iri inoona nezvekodzero ddzevanhu iri muHarare.

Hofisi yeUnited Nations yekodzero dzevanhu muHarare yakaburitsa gwaro neChitatu rinoti iri kushushikana zvikuru pamusoro pakumhan’arwa kwenyaya dzemhirizhonga, kutyisidzirwa uye kumanikidzwa kwevanhu kupinda mune zvematongerwo enyika, zvikuru sei kumaruwa.

Gwaro iri rinoti dai mapurisa nevemapato ezvematongerwo enyika nevatsigiri vavo varemekedza mutemo uye kusiyana nezvemhirizhonga kuitira kuti sarudzo dzigoitwa murunyararo. Masangano akasiyanasiyana anosanganisira reHuman Rights Watch, neNational Peace Project anotsinhirawo mashoko aya.

Masangano mazhinji anonongedzera bato reZanu PF sebato riri kumberi mukuita izvi, asi gurukota rezvemukati menyika variwo munyori wemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu vanoti bato ravo nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuparidza vhangeri rerunyararo.

Vanotiwo mapurisa achasunga vose vachawanikwa vachiita zvemhirizhonga.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti chero hazvo gore rino mhirizhonga nekutyisidzirwa kwevanhu zviri zvishoma pane sarudzo dza2008 nedza2013 , zvinhu izvi zvinoramba zvichiitika, uye vanoongorora sarudzo vanobva kwakasiyanasiyana havana simba rekuzvimisa, asi kungotaura nezvazvo kana sarudzo dzapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG