Accessibility links

Breaking News

Manyuchi Odzoka Munhandare Kudzivirira Bhande Rake


Charles Manyuchi

Mutambi wemuZimbabwe wetsiva ane mukurumbira pasi rese Charles Manyuchi arikupinda munhandare yeCity Sports Centre kudzivirira bhande rake reWorld Boxing Federation sezvakatarwa pamutemo.

Mashoko atatambira anoti Manyuchi arikupinda munhandare musi wa 3 Kubvumbi kurwa naMohamad Sebyala wekuUganda kudzivirira bhande rake reWBF rehuremu hwemiddleweight iro akatora arova Diego Gallardo wekuArgentina muna Gunyana, 2019.

Mutemo wetsiva unoti mutambi wese anofanira kudzivirira bhande rake mwedzi

mitanhatu isati yapfuura kubvira apo akaritora zvekuti nguva yaManyuchi yekuita izvi yasvika.

Pamusoro pezvo, Manyuchi naSebyala varikurwira bhande reWorld Africa Boxing Association iro risina akaribata parizvino.

Mutambo uyu, waifanirwa kuitirwa kumusha kwaManyuchi kuChivhu asi izvi zvazoshandurwa uchiiswa munhandare ine mukurumbira munyaya dzetsiva munyika yeCity Sports Centre.

Munhandare yeCity Sports Centre ndimo makaitira mukurumbira pasi rese vatambi vakaita samushakabvu Langton ‘Schoolboy’ Tinago, Kilimanjaro, naStix McLoud.

Manyuchi haasati amborohwa nemutambi wemuAfrica kubvira muna 2013 apo akatora mukombe weAfrica Boxing Union achirova Patrice Peko wekuBurkina Faso.

Muteveri wemutambo wetsiva VaJohn Langwani vanoti Sebyala arikutevera munzira yaGallardo uyo akapinzirwa pasi munharaunda yechitatu.

Manyuchi arikutora zvekare nguva yakadai kupa mukana wekurwa kune vamwe vatambi vemuZimbabwe kusanganisira vechidiki veCharles Manyuchi Academy.

Mutambi uyu anoti arikuita izvi kuti asimudzire mutambo uyu mune vechidiki vane chipo.

MuZimbabwe muri kushaya vanoisa mari mumutambo wetsiva kuti kuitwe mitambo yakati wandei izvo zvirikuchemwa nemumwe murongi wemitambo VaClyde Musonda,

Manyuchi haasati amborohwa zvekare kubvira apo akatanga kurwira muZimbabwe achibva kuZambia uko airwa ari pasi peOriental Boxing Promotions. Mutambo naSebyala wave wechishanu waManyuchi muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG