Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voratidza Chido Chekuda Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Harare - people waiting to be vaccinated
Harare - people waiting to be vaccinated

Kubaiwa nhomba kwevanhu kuri kuenderera mberi munzvimbo
dzakasiyana siyana muBulawayo vaamwe vachiti vari kukwanisa kubaiwa pasina dambudziko, asi vamwe vachiti vari kutadza kubaiwa nhomba mudzimwe nzvimbo.

Ongororo yaitwa neStudio 7 yaratidza kuti kunyange hazvo pange paine
mitsetse yakareba panzvimbo dziri kubaiwa veruzhinji nhomba vanhu vange
vachibaiwa pasina zvimhingamupinyi zvakawanda.

Mumwe wevabaiwa paCity Hall, VaShadreck Mudenda, vati vakwanisa kuita izvi vasina kumira mumutsetse kwenguva yakareba.

Mumwewo mugari abaiwa panzvimbo imwe chete uyo angozvidoma nezita
rekuti Maureen atiwo abaiwa pasina dambudziko uye ati zvisinei nemashoko anotaurwa nevamwe ekushora kubaiwa nhomba aona zvakakosha kuti abaiwe.

Asi mudzimwe nzvimbo muguta reBulawayo, vanhu vanonzi vari kumira mumitsetse kwenguva yakareba, vamwe vachinzi vari kudzokera kumba vasina kubayiwa nhomba sezvo nhomba idzi dziri shoma mudzimwe nzvimbo.

Kutanga nezuro chirongwa chekubaiwa nhomba ichi chakavhurirwa kuvanhu vose uye vakafanobata chigaro chemukuru wezvehutano mudunhu reBulawayo, Dr Welcome Mlilo, vaudza Studio 7 kuti pane vanhu zviuru zviviri nemazana masere nevatatu, 2803, vakabaiwa nezuro chete.

Dr Mlilo vati havakwanise kutaura kuti vanhu vangani vabaiwa kusvika
pari zvino asi dunhu reBulawayo rine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika zviuru mazana mana kana kuti 400 000.

Svondo rapera, hurumende yakatambira nhomba dzeSinovac mamiriyoni maviri idzo dzinofanirwa kuendeswa kumatunhu ose.

Nhomba idzi dzakapinda munyika panguva iyo vanhu vakawanda vaitadza kubayiwa nhomba kunzvimbo dzakatarwa sezvo dzaive shoma kana kushaikwa zvachose.

Mune imwewo nyaya, mukuru wesangano reZimbabwe Farmers Union
VaPaul Zakariya, vanoti vanotsigira hurongwa hwehurumende hwekuti
veruzhinji munyika vabaiwe nhomba.

Asi VaZakariya vati nyaya yekuti zvinzi varimi vane humbowo hwekuti
vakabaiwa nhomba ndivo chete vanganzi vakwanise kutengesa chibage
kuGMB zvinogona kuvhiringidza zvikuru hurongwa hwevarimi.

Vachitaura munguva pfupi yapfuura pamusangano wavakaita paChivhu
District Hospital, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vakati varimi vanofanirwakuratidza magwaro avo ekuti vakabaiwa nhomba kana vachienda kunotengesa chibage kuGMB.

Dr Mangwiro avo vanovewo mumiriri weChikomba West mudare reparamende, vakati vakuru vakuru vehurumende munzvimbo iyi vanofanirwa kuona kuti izvi zvatevedzerwa.

Taedza kubata Dr Mangwiro kuti tinzwe kana mashoko avakataura aiburitsa pamire hurumende sezvo vakataura mashoko aya pamusangano webato ravo, asi nharembozha yavo yange isingadavirwe.

Taedzawo kunzwa kubva kumutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, asi nharembozha yavo yange isingapinde.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaShadreck Makombe, vatiwo vanotsigira kubaiwa nhomba kweveruzhinji kusanganisira varimi asi vati izvi hazvifanirwe kuitwa zvekumanikidzwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, avo vanovewo gurukota rezvehutano, vave nenguva vachitaura mashoko anorerekera pakuti veruzhinji vachamanikidzwa kuti vabaiwe, asi hurumende haina mutemo wakadaro.

Mashoko akabudiswa nehurumende nezuro anoratidza kuti vanhu makumi mashanu nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi mashanu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Hurumende yakazivisawo kuti vanhu vafa neCovid-19 kusvika mukupera kwezuva nezuro, vainge vava zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi matatu nevatanhatu, 2 236, uye vabatwa nechirwere ichi, vainge vava zviuru makumi manomwe nemazana mana nemakumi maviri nevatanhatu, 70,426.

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga kusvika nezuro vainge vava zviuru mazana mapfumbamwenemakumi maviri nezvitanhatu nemazana matatu negumi nevaviri, 926,312, uye vabaiwa nhomba yepiri vainge vava zviuru mazana matanhatu nezvishanu nemazana mashanu
nemakumi mashanu nevatanhatu, 605 556.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichaburitsa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi munyika yose.

Zimbabwe ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi avo vanove
zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika senzira yekumisa kupararira kweCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG