Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vokurudzira ZACC Kuti Iferefete Huori Hwakaburitswa naAmai Chiri


Auditor-General Amai Mildred Chiri
Auditor-General Amai Mildred Chiri

Vanhu vakawanda vanoti boka reZimbabwe Anti-Corruption Commission rinofanirwa kuita ongororo pane zvakabuda mugwaro raAuditor General vachiti kana izvi zvikasaitwa, kurwisa huwori mumapazi ehurumende kuchanetsa.

Vachipa maonero avo pane zvakabuda mugwaro raAuditor General regore ra2018, vanhu vakasiyana siyana vataura neStudio7 vanoti zvakakosha Zimbabwe Anti-Corruption Commission iongorore nyaya dzose dzinonongedza kuti pane huwori hunogona kuve hwakaitwa mungave mumakanzuru kana mumapazi ehurumende pamwe nemakambani ehurumende.

Vakanangana nemakanzuru akasiyana siyana emunyika, Auditor General, Amai Mildred Chiri, vakati makanzuru mazhinji haazi kubudisa nenguva yakafanira, magwaro anoratidza mashandisirwo emari.

Gwaro iri rinoratidzawo kuti pane kusabatwa kwemari zvakanaka kwakaitika mune mamwe makanzuru kusanganisira eBulawayo, Gweru neHarare.

Sachigaro wekomiti yekanzuru inoona nezvekushandiswa kwemari muguta reBulawayo, VaSilas Chigora, vaudza Studio7 kuti vanogutsikana nezvakabuda mugwaro raAuditor General vachiti kanzuru yavo ichaferefeta nyaya yekuti pane mumwe mushandi akazvipa chikwereti zvisiri pamutemo.

Gwaro raAuditor General rakabudisa kuti muguta reGweru pane kusawirirana pamari yemitero yakabhadharwa nevagari nemari iri kubhanga rekanzuru iyi uyewo kuti pane vashandi vanonzi vange vasina kutora mazuva ezororo kwemakore akawanda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kukanzuru yeGweru kuti ichaita seyi negwaro raAmai Chiri.

Asi mukuru weGweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vaudza Studio 7 kuti kusaitwa kwemagwaro emashandisirwo emari nenguva yakafanira uye kusabatwa kwemari zvakanaka, kunokanganisa zvikuru kuti makanzuru aite mabasa aanotarisirwa kuita nemazvo.

Vati Zimbabwe Anti-Corruption Commission inofanirwa kuongorora zvizere gwaro raAuditor General kuitira kuti vakapara mhosva vabatwe nemutemo.

Amai Chiri vanoti vakaendesa gwaro ravo kuZACC.

Asi Studio7 haina kukwanisa kubata sachigaro weZACC, Amai Loice Matanda Moyo, kuti tinzwe kuti vachafambisa seyi nyaya yakaiswa mumaoko ekomisheni yavo.

VaProctor Nyemba vesangano reAssociation of Certified Forensic Practitioners vabvuma kuti munguva yapfuura hapana chinobatika chiitwa kana pabudiswa ongororo dzinoratidza huwori mumapazi ehurumende.

Asi vati vane chokwadi kuti ZACC ichaita basa rayo sezvinotarisirwa.

VaNyemba vati zvakakoshawo kuti makanzuru, mapazi ehurumende pamwe nemakambani ehurumende, aite zvirongwa zvinobatsira kudzivirira huwori.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro paMidlands State Univeristy, VaVincent Chakunda, vachitaura semuongorori akazvimirira, vati huwori hunodzorera budiriro yenyika zvakanyanya vakatsinhirawo kuti ZACC inofanirwa kuita ongororo pamusoro pezvakabuda mugwaro raAuditor General.

Gore rega rega hofisi yaAuditor General inobudisa gwaro rinoratidza mashandisirwo emari nemapazi ehurumende, makambani ehurumende pamwe nemakanzuru emunyika.

Magwaro aya anogara achibudisa nyaya dzehuwori dzinoitika asi pasina matanho anotorwa nehurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG