Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voyaura Zvichitevera Kuoma Kwaita Zvinhu muZimbabwe


The cost of living has gone up in Zimbabwe which is using multiple currencies. (Photo: VOA)

Vagari vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti hupenyu hwave kuvaomera zvakanyanya kudarika nguva yesarudzo dzisati dzaitwa.

Vakawanda vevanhu ava vanoti vaitarisira kuti zvinhu zvichanaka mushure mesarudzo sezvo vaivimbiswa mutambara kede nevatungamiri vemapato apo vaitsvaga rutsigiro munguva dzesarudzo.

Asi vanoti hupenyu hwatonyanya kuvaomera mushure mesarudzo apo mitengo yezvinhu zvakawanda iri kukwira, izvo zviri kukonzerawo kuti mari dzekufambisa kuenda kumabasa dzikwire.

Kudzingwa wevanhu vanotengesa mumigwagwa kwakaita kuti vanhu vakawanda vashaye mari sezvo vanhu vakawanda vainge vave kurarama nekutengesa.

Amai Agatha Karonga vanogara mumusha unogara verizhinji weGadzema.

Amai Karonga vanoti hupenyu hwaoma pari zvino kudarika sarudzo dzisati dzaitwa. Vanoti zvinhu zvanyanya kuvaomera zvinosanganisira mitengo yezvekudya iri kuwira zuva rega rega uye kushayikwa kwemagetsi.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Fungai Tembo avo vanoti hupenyu hwave kurwadza sezvo zvekudya zvave kudhura uye kushaikwa kwemvura nemagetsi kwakanyanya mushure mesarudzo.

Mumwe mugari wekuKariba, VaMoffat Pedzisai, vanoti havachakwanisa kudya kwemasikati vari kubasa sezvo vave kubhadhara mari yakawanda yekuenda kubasa.

Amai Tembo vanoti chinonyanya kuvarwadza ndechekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, hapana zvavari kutaura pamusoro pekukwidzwa kwemitengo izvo vanoti vanokundwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vaidzikisa mitengo.

VaPedzisai vanoti havatarisire kuti zvinhu zviome kudarika zvakamboitika muna2008 apo munyika maishaikwa zvinhu zvekudya izvo zvairatidzwa nekuonda wevanhu.

VaMnangagwa vakabuda pachena vachiti zvinhu zvichati omeyi munyika zvisati zvanaka sezvo vari kuedza napose pavanogona napo kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka pasi pehurumende yeVaMnangagwa iri kuramba ichiita shoma sezvo vanhu vave kuswera vachimhanya muzvitoro vachitsvaka zvinhu zvakaita sechingwa, shuga, mafuta pamwe nezvinwiwa uye kushayikwa kwemagetsi nemvura kwenguva dzakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG