Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voramba Kutambira Mutemo Mutsva Unorambidza Kushandiswa kweMari yeKunze


US Dollars
US Dollars

Vamwe vana muzvinabhizimusi muMasvingo, vari kuramba kutevedzera mutemo mutsva wakaiswa nehurumende wekuti vasatengese zvinhu muzvitoro zvavo nemari yekunze.

Vemabhizimusi vataura neStudio7 vati ivo vacharamba vachitengesa nemari yekunze nekuti zvinhu zvavo zvizhinji vanozvitenga nemari yekunze kwenyika, nekudaro vakatengesa nemari yemuno iyi inogara ichipera simba, vanobuda mubhizimusi.

VaNeedmore Manyasha, avo vanotengesa mbatya dzinotengwa kunze kwenyika, vati vachiri kutengesa nemari yekunze nekuti vakatengesa neyemuno, havazokwanisi kuotenga kunze kwenyika zvimwe zvekutengesa.

Vezvitoro zvizhinji zvembatya nemidziyo vanotiwo vacharamba vachitengesa nemari yekunze apo zvimwe zvishoma zvichi engesawo nemari yemuno pachitevedzerwa mutemo mutsva.

Asi vanotengesa mafuta edzimotokari vazhinji muMasvingo vaswera vakavhara vachiti vari kumirira kuona kuti vodiyi nekuti vanotenga mafuta aya nemari yekunze.

VaDonald Joma, avo vanotengesa pachiteshi chemafuta, cheZUVA muMasvingo, vati vanzi vambomira kutengesa mafuta avo nhasi.

Vezvitoro zvinotengesa mishonga yekuzvipatara vatiwo vambomira kutengesa mishonga nhasi vachiti vachatanga kutengesa nemari yemuno kana makambani akapuwa marezinesi ekuvatengesera nehurumende ava kutambirawo mari yemuno.

Izvi zvaita kuti vanhu vamwe varwere vatadze kutenga mishonga yavanofanirwa kushandisa.

Vamwe vemabhzimusi madiki vakaita saMuzvare Martha Maduviko, vati vatambira mutemo mutsva uyu.

NeMuvhuro, hurumende yakaisa mutemo weStatutory Instrument 142 of 2019, uyo wave kurambidza kuti mari dzekunze dzishandiswe mukutenga nekutengesa zvinhu munyika.

Izvi zviri kupikiswa neveruzhinji, zvikuru vanotenga zvinhu kunze kwenyika sezvo vari kutadza kuwana mari dzekunze mumabhanga emunyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebhanga guru renyika panyaya iyi.

Asi munyori mubhazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko muhurumende, VaNick Mangwana, vati vari kupikisa mutemo mutsva uyu vari kupara mhosva.

Zviri kuitika kuMasvingo zviri kuitikawo mumaguta ose ari munyika vakawanda vachichema nerekuti havasi kukwanisa kuwana mari dzekunze kumabhanga avo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG