Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoti Vari Kucherechedza Kuzvitonga kweNyika Miromo Yakaoma neNzara


Zimbabwe Flag
Zimbabwe Flag

Apo nyika iri kupemberera mangwana kusvitsa kwayo makore makumi matatu nemapfumbamwe kubva payawana kuzvitonga muna 1980, vamwe vanoti hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere zvisinei kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kugadzirisa zvinhu pavakapinda pachigaro.

VaMoses Kumbweya, avo vanorarama nekurima nekutengesa zvirimwa zvakasiyana-siyana, vanoti vanoshushikana nenyaya yekuti hupfumi hwenyika huri kuramba huchiwondomoka; veruzhinji vachiwedzera kutambura, zvisinei nezvinotaurwa nemutungamiri naVaMnangagwa pamwe nevamwe vakuru vakuru vehurumende.

VaKumbweya vanoti VaMnangagwa vakavimbisa kugadzirisa hupfumi uye kukwezva vekunze kuti vasime mari. Asi vanoti maonero avo ndeekuti mutungamiri wenyika nehurumende yavo havana zano rakati tsvikiti rekubudisa nyika mumatambudziko ayakatarisana nawo.

VaKumbweya vanoti nyaya yekuti zvirango zvakatemerwa mamwe makambani pamwe nevamwe vakuru vakuru vehurumende nedzimwe nyika dzekumadokero, ndizvo zviri kukonzera kusagadzikana kwehupfumi, kuhwanda nemunwe kwavari kuita.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muBritain uye chiri chipangamazano munyaya dzezvehupfumi, Muzvare Miriam Mutizwa, vanotsigirawo kuti zvirango hazvisi izvo zviri kukonzera matmbudziko ari munyika asi kuti huwori pamwe nekusatevera bumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri webato reZapu, VaIphithule Maphosa, vanoti zuva rekucherechedza rusununguko rinogona kupfuura veruzhinji vasinganyanyi kuri koshesa nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyika.

Vanotiwo kunyange hazvo pakazoitwa sarudzo, mapindiro akaita VaMnangagwa pahutungamiri uye makakatanwa akatevera mushure mesarudzo gore rapera, ndizvo zviri kuita kuti zvinhu munyika zvisagadzikana munyaya dzezvehupfumi.

VaMaphosa vanotiwo kutaura kwemutungamiri wenyika pamwe nekufamba vachienda kunyika dzakasiyana-siyana vachiedza kukwezva kusimwa kwemari yekunze munyika, hakuna zvinobatika zvakuri kuunza vachitsinhirawo kuti VaMnangagwa nehurumende yavo, vanenge vari kupererwa nemazano.

Mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, variwo muongorori wezvehupfumi akazvimirira, VaReginald Shoko, vanoti dambudziko guru nderekuti VaMnangagwa vakatora hutungamiri apo hupfumi hwenyika hwaive hwatowondomoka kare, vachiti kugadzirisa izvi kunotora nguva.

Asi VaShoko vanobvumawo kuti nyaya yehuwori ndiro rimwe dambudziko guru rinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti zvinhu zvinake.

Mutauriri wemadzimai muMDC mudunhu reBulawayo, Amai Barbara Tanyanyiwa, avo vanove zvakare munyori weboka reWomen’s Committee musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, vanotiwo hapana chekupemberera pazuva rerusununguko vachiti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika kunonyanya kubata vanhukadzi sezvo vari ivo vanoona kuti mhuri dzadyei.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo.

Asi vachitaura pavakatoreswa mhiko, VaMnangagwa vakati vakanga vakazvipira kugadzirisa zviri kunetsa munyika, vachiti hurumende yavo ichavhura mikana yekutanga mabizinesi kuitira kuti munyika muve nemabasa.

Mumazuva mashoma apfuura, sangano reZCTU rakakurudzira kuti vashandi munyika vawedzerwe mari dzemihoro.

Pavakapinda pachigaro muna Mbudzi wa2017, VaMnangagwa vakati kugadzirisa hupfumi hwenyika ndicho chimwe chezvinhu zvavaizokoshesa.

Asi hupfumi hwenyika huri kuramba huchienda kumawere mitengo yezvinhu ichiramba ichikwira ukuwo mari ichiramba ichishaya simba rekutenga.

Zimbabwe yakawana kuzvitonga musi wa 18 Kubvumbi, 1980, VaRobert Mugabe vakagadzwa semutungamiri wehurumende, vakatonga nyika kwemakore makumi matatu nemanomwe.

Asi vakazobviswa pachigaro nemauto avo muna 2017, VaMnangagwa vachibva vatora chigaro chavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG