Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanotadza Kutora Mari Dzavo Mumabhanga


Even an introduction of Zimbabwe’s own currency called “bondnotes” which trade at par with the U.S. dollar, in November last year, has not helped ease an acute shortage of cash which is forcing some people to lots of time in bank queues, Gokwe, Zimbabwe,
Even an introduction of Zimbabwe’s own currency called “bondnotes” which trade at par with the U.S. dollar, in November last year, has not helped ease an acute shortage of cash which is forcing some people to lots of time in bank queues, Gokwe, Zimbabwe,

Vanhu vakawanda vatadza kutora mari dzavo kumabhangi pamwe nenzvimbo dzinotorwa mari inenge yatumirwa kubva kunze kwenyika.

Vamwe vevanhu ava vaswera vari pamitsetse asi vatadza kutora mari dzavo izvo vanoti vachatadza kutengera mhuri dzavo zvekudya pazororo rekisimusi.

Mumwe atadza kutora mari yaakatumirwa nemukoma wake kubva kuBritain neMukuru, ndiVaMusavengana Tomu, avo vati makambani anoshandiswa kutumira mari anoisa twumitemo twakawanda senzira yekunonoka kana kusada kupa vanhu mari dzavoi nenguva.

VaTomu vati kana munhu aine nhamba yaanenge atumirwa nemumhu anenge atumirwa mari hapana chinoita kuti arambirwe kupihwa mari yake.

Mumwe atadza kutora mari yake kubhanga reZimbabwe Bank, VaSimon Svosve, vati mhuri yavo ichava nehorodhe yekisimusi inorwadza sezvo vanenge vasina zvekudya zvakakwana.

Asi vamwe vashandi vepaChinhoyi University of Technology avo vaisirwa mari dzavo nhasi kumabhangi vatozomanikidza mukuru webhangi rePOSB kuti avhure nguva dzekuvhara dzadarika.

Mushandi uyo anoda kuzivikanwa nezita rekuti Melody ati mari yavo yapinda masikati ano nokudaro vataurirana nemukuru webhangi kuti vatore mari dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvemari vachishanda neGIMRI Finance, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vati mitsetse yevanhu vari kutora mari kubva kunze kwenyika mucherechedzo wekuti zvizvarwa zvemunyika zviri kuchengeta hama neshamwari dzakasara kumusha.

VaMuponda vati panofanirwa kuitwa hurongwa hunoita kuti mari idzi dzitorerwewo kumabhangi.

Mitsetse yepamabgangai nenzvimbo dzekutorerwa mari iri kuwanikwawo munzvimbo dzakaita seHarare, Bulawayo, Mutare neKadoma.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remabhangi sezvo vakuru vavo muChinhoyi vati titaure nevanobvumidzwa kutaura nevatori venhau kuHarare avo vanga vasingadavire mbozhanhare dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG