Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Havana Tarisiro Yakanaka Mugore Rino ra2019


Residents walk in a street as others queue outside a bank in Harare, Nov. 15, 2017.
Residents walk in a street as others queue outside a bank in Harare, Nov. 15, 2017.

Vemabhizinisi nevanhuwo zvavo vanoti gore rino rinoda kuti vanhu vasunge dzisimbe sezvo pasina tarisiro yekunaka kwezvinhu munyika.

Vemabhizinisi vanoti zvinhu zvakaita semutengo wemari, kushaikwa kwemafuta edzimotokari pamwe nekukwira wezvinhu zvichaita kuti zvinhu zvirambe zvakaoma munyika.

VaBenson Tahwa vanoita basa rekutakura vanhu kubva mumarukisheni mavanogara vachienda kumabasa.

VaTahwa vanoti hapana chichashanduka vachiti kushanduka ndekwemazuva ari pamakarenda.

VaTahwa vanoti vari panguva yakaoma nekuda kwekushaikwa kwemafuta edzimotokari.

Amai Felistus Madzimbamuto, avo vanoita basa rekunotenga zvinhu kunze kwenyika vachitengesa munyika, vanoti dambudziko remari rikasagadziriswa hapana chinoshanduka.

Amai Madzimbamuto vanoti kuti vakunde gore rino mvura inofanirwa kunaya zvakakwana kuitira kuti varimi vawane mari kuzvirimwa zvakaita sefodya nechibage.

VaMoses Ngwenya vanoti zvinhu hazvisi kushanduka kubva pagore rapfuura vachiti vari kuenderera mberi nekuomerwa nehupenyu.

Mumwe mwana wechikoro paChinhoyi High asingabvumirwe kudomwa nezita sezvo aine makore ari pasi pemagumi nemasere, anoti ane tarisiro yekuti sezvo mari yechikoro yakawedzerwa, vachange vave kudya chikafu chine hutano.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inoshanda nekambani yeOld Mutual muChinhoyi, VaEdmore Mazarure, vanoti hapana shanduko hombe ingatarisirwa nevanhu sezvo hurumende isina tarisiro yekugadzirisa nyaya yemari zvikuru sei kuyenzaniswa kwe bond note nemari yekuAmerica.

Dzimwe nyanzvi dzazvehupfumi dzinoti nyaya yemitemo yezvehupfumi inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti munoitirwa mabhizinisi muve makanaka kusanganisira mari dzemitero, pamwe nekuwana mari kumabhangi.

Asi mumashoko avo ekupera kwegore, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vanhu vanofanirwa kusunga dzisimbe muna2019 sezvo kuuya kweshanduko kune marwadzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG