Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshuvira Chikwata cheNhabvu Rakanaka Murwendo rweku 2022 World Cup


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Mhuri yenhabvu muZimbabwe ine chivimbo chakasimba chekuti chikwata chavo chemaWarriors chichabudirira mumakwikwi e 2022 World Cup zvichitevera mubatanidzwa wezvikwata wakaitwa neveConfederation of African Football nemusi weChipiri.

Chikwata ichi chakaiswa mugungano reGroup G iro rine zvikwata zvinoti Ethiopia, Ghana, neSouth Africa, gungano iro vateveri vemutambo uyu vanoti harina kunyanya kuoma semagungano anga achiiswa chikwata chavo makore apfuura.

Vanotevera mutambo uyu vanoti Ghana neSouth Africa hadzichatyisa sezvadzaita kare uyezve Ethiopia haisati yasvika pakundengendesa zvekuti vanoti zvinhu zvikafambiswa zvakanaka, Zimbabwe ndiyo inobudirira kubva mugungano iri.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters, VaTakundwa Mushinga, vanoti vachitarisa ivo kuti Zimbabwe yakamborova Ghana neSouth Africa, maWarriors anokwanisa kukunda mugungano iri.

Muteveri weCaps United, VaPhillip Regede, vanoti Zimbabwe inofanira kuwedzera mwando mugadziriro yayo kuti ibudirire.

Chikwata chimwechete kubva muGroup G ndicho chinoenda munharaunda yekugumisira umo muchabuda chikwata chinoenda kuQatar.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, Muzvare Fatima Mushayabasa, vanoyambirawo maWarriors kuti akasaita gadziriro yakasimba, anowira pasi.

VaMushinga vanoti Zimbabwe inofanira kushandisa mitambo yayo yepamusha sezvo nhoroondo yenhabvu muAfrica inoratidza iyo kuti zvikwata zvinokunda zvIne mutsindo pamusha ndizvo zvinowanzobudirira kuenderera mberi.

Asi veZifa vanofanira kudoma murairidzi wemaWarriors nechimbi chimbi sezvo Zimbabwe yese yakamirira kunzwa kuti ndiani achange ari panyanga apo maWarriors achakwikwidza muWorld Cup pamwe neAfrica Cup of Nations.

Muteveri weDynamos, VaOliver Musongoro, vanoti Zifa inofanira kupa basa kuna Joey Antipas sezvo ave nekunzwanana kwakasimba nevatambi zvichitevera kuraidza kwakaita chikwata ichi gore rapera.

Mitambo yenzira yekuenda ku 2022 World Cup iyi iri kutanga muna Gumiguru kuchangopera mitambo ye 2021 Africa Cup of Nations muna Gunyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG