Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanonzi Vari Kukundikana Kugadzirisa Hupfumi hweNyika


 President EMMERSON MUNGAGWA
President EMMERSON MUNGAGWA

Vanhu vakawanda vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kundikana kumutsurudza hupfumi hwenyika kubva zvavapinda pachigaro chemutungamiri wenyika makore maviri apfuura.

Veruzhinji munyika vanoti kusvika pari zvino, VaMnangagwa vakundikana kunyanya panyaya yekumutsurudza hupfumi hwenyika.

Sachigaro wedunhu reBulawayo muboka remadzimai reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Tendai Masotsha, vanoti hapana chinobatika chinoonekwa pane zvakavimbiswa naVaMnangagwa pakumutsurudza maindasitiri.

Nhengo yesangano reBulawayo Vendors and Traders Association, Amai Debrah Mukasa, vanoti maonero avo ndeekuti mamiriro ezvehupfumi ari kuramba achiomera veruzhinji kupfuura panguva yehutungamiri hwaVaMugabe.

Mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, uye vachiongorora hupfumi vakazvimirira, VaReginald Shoko, vanoti hazvinganzi VaMnangagwa vakundikana sezvo nguva yavagara pachigaro ichi iri shoma.

Asi VaShoko vanotiwo kana kuchitariswa hurongwa hwekumutsurudza makambani akadai seNational Railways of Zimbabwe, kusave negwara rekajeka pazvinhu zvakadai kunogona kuwodza moyo yevekunze vanoda kusima mari muZimbabwe.

Mugwaro ravo rekucherechedza makore maviri vari pachigaro ichi, VaMnangagwa vati vari kufarawo kuti hurumende yavo iri kuunza shanduko nekubvisa mimwe mitemo inombunyikidza kodzero dzevanhu pamwe nevemabhizinesi vekunze.

Asi mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaThemba Chivheya,vanoti maonero avo ndeekuti kusvika pari zvinhu hurumende yaVaMnangagwa yakundikana panyaya dzekuchengetedza kodzero dzevanhu kunyanya kuchitariswa kodzero dzine chekuita nemagariro avo zuva nezuva.

Nhengo yebato reZanu PF uye vakambove gurukota rehurumende, Retired Colonel Tshinga Dube, vanoti vanhu havafanirwe kurasa moyo.

Vanoti VaMnangagwa vanawo mukana wekuzadzikisa zvinangwa zvavo zvekugadzirisa zvinhu munyika. Asi vanoti pane vamwe vanhu vari muhurumende vasiri kuita basa ravo nemazvo.

"Tinofanirwa kubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka zvinofanirwa kugadziriswa nehurumende uye zvinhu izvi ndezvimwe zviri kutaurwa nedzimwe nyika dzepasi rose. Asi kune vamwe vanhu vasina hany'a," vadaro VaDube.

Mugwaro rabudiswa mumapepa ehurumende vachipa pfungwa dzavo pamashandiro ehurumende yavo kubva pavakapinda pachigaro makore maviri apfuura, VaMnangagwa vati vari kufara kuti vakwanisa kuti nyika isimukire kubva mumatambudziko ayaive iri panguva yehutungamiri hwamushakabvu Robert Mugabe.

Vati kunyange hazvo veruzhinji vari kutambudzika nekuda kwedanho rakatorwa nehurumende rekumutsiridza hupfumi nekuzviomesera kuitira kuti zvinhu zvinake mune remangwana - kana kuti austerity measures, vari kufara kuti zvinhu zviri kufamba negwara rakanaka.

Veruzhinji vakapinda mumigwagwa vachifara munyika mose apo VaMugabe vakamanikidzwa kusiya basa mushure mekupindira kwemauto mune zvematongerwo enyika.

Asi vakawanda vave kuti vakafarira pasina sezvo mamiriro ezvinhu munyika ari kuramba achienda kumawere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG