Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vofarira Hurongwa hweKudzikisa Huwandu hweMizinda yeZimbabwe


Some of the Zimbabweans who staged a protest outside the Zimbabwe Embassy in Washington DC, USA.
Some of the Zimbabweans who staged a protest outside the Zimbabwe Embassy in Washington DC, USA.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti danho riri kuda kutorwa nenyika rekuda kuderedza huwandu hwemizinda ye Zimbabwe kune dzimwe nyika rakanakira kuchengetedza mari yenyika, asi nekune rumwe rutivi, richigona kukanganisa kudyidzana kwe Zimbabwe nedzimwe nyika.

Vachitura muparamende hurongwa hwekushandiswa kwemari hwegore rinouya, gurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, vakazivisa neChina kuti hurumende iri kuda kuderedza huwandu hwemizinda yayo iri kunze kwenyika nechinangwa chekuda kuderedza mari inoshandiswa nehurumende kunze kwenyika.

Mashoko aVa Chinamasa ari kutambirwa nemufaro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika idzo dzinoti mari yehurumende yakawanda yanga ichiperera mukubhadhara vashandi vari kumizinda iyi asi pasina chinobatsira Zimbabwe chiri kubva kune mimwe mizinda iri kune dzimwe nyika.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Va Conrad Gweru, vanoti chinhu chakakosha kuti mimwe mizinda ivharwe sezviri kurongwa naVa Chinamasa.

Imwewo nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Va George Makoni, avo vanoshanda nesangano re Centre for Community Development in Zimbabwe, vanoti kunyange hazvo chiri chinhu chakakosha kuchengetedza mari inoshandiswa nehurumende kunze kwenyika, kuvhara mimwe mizinda kunopa zimbabwe mukana mushoma wekudyidzana zvakanaka nedzimwe nyika zvikurusei munyaya dzekutengeserana.

Mupepeti webenhau re The Observer, Va Barnabas Thondlana, vanotiwo danho riri kuda kutorwa nehurumende idanho rakanaka zvikuru vachiti hurumende inogona kuve nemuzinda mumwe chete munyika imwe chete asi muzinda uyu uchimirira zimbabwe munyika dzakati kuti.

Kana bhajeti raVa Chinamasa rikatambirwa neparamende, zvinoreva kuti vashandi vanoshandira mumizinda iyi vanenge vave kufanira kutakura mikwende yavo vodzoka kumusha.

Va Thondlana vanoti vashandi ava havazoshairwa pokupfekerwa mumapazi ehurumende sezvo hurumende iine mapazi akawanda.

Zvinonzi hurumende inombotadza kubhadhara vashandi vayo vari kushandira kumizinda ye Zimbabwe kunze kwenyika paine nguva zvinozopedzisira zvaitawo kuti vashandi ava vashupike kunze kwenyika.

Kunzwe kwekudzikisa huwandu hwemizinda yenyika kunze, Va Chinamasa vanotiwo vari kuda huwandu hwevanhu vanoenda kunze kwenyika vachinoita basa rehurumende uye vanoti vose vanoenda kunze kwenyika vachiita basa rehurumende vachange vachikwira mumbombera mundege kwete kuti vatenge zvigaro zvinodhura.

Mamwe matanho ari kutorwa naVa Chinamasa mukuedza kwavo kuderedza mari inoshandiswa nehurumende anosanganisira kubvisa vechidiki vanokwana zviuru zvitatu nemazana manomwe pamabasa, avo vanga vachishanda sema youth officers munharaunda dzose dzenyika pamwe nekuti munyori mubazi rehurumende rega-rega ave nemotokari imwe chete kwete zvanga zvichiitika zvekuti munyori mubazi rimwe nerimwe anga aine mizvambara yemotokari dzakawanda.

VaChinamasa vanodawo kudzikisa bhajeti rehofisi yemutungamiri wenyika senzira yekuderedza mari inoshandiswa nehofisi iyi.

Bhajeti rakaturwa naVa Chinamasa rinoda $5.1 billion, $3.2 billion ichiperera kumihoro yevashandi vehurumende, zvinova zvikamu makumi matanhatu nezvitatu kubva muzana zvemari yebhajeti regore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG