Accessibility links

Breaking News

Manica Diamonds Yotungamira Gungano rePSL Asi Covid-19 Yokanganisa Nhabvu muNyika


Caps United

Chikwata cheManica Diamonds chakwira pamusoro pegungano yeCastle Lager Premier Soccer League musvondo rarohwa nhabvu neCovid 19 zvekare.

Mushure mekurova Highlanders 1-0 nemusi weSvondo, chikwata cheManica Diamonds chave nemapoinzi mapfumbamwe kubva mumitambo mitatu panguva iyo nhabvu iri kukanganiswa zvikuru nechirwere cheCovid 19.

Ngezi Platinum Stars ine mapoinzi manomwe ndiyo iri pachidanho chechipiri nemapoinzi manomwe.

Mitambo mina kubva mumitambo minomwe yaive yarongwa ndiyo yakaenderera mberi miviri ikamiswa neMugovera, mumwechete ukamiswa nezuro nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Zvikaramba zvakadai, gungano iri ratarisana nekumiswa kwemitambo kwechinguvana sezvo svondo rapera kwakatambwa matambo mumwe chete chete.

Murairidzi weTriangle Taurai Mangwiro anoti zvikwata zvinofanira kuteedza zvakatarwa nehurumende pamwe neveWHO kuti mitambo iyi isazomiswa zvachose.

Mukuru wePSL Medical Committee Dr Edward Chagonda vanoti zvichanetsa kumisa kupararira kweCovid 19 muZimbabwe nekuti vatambi varikuzopinda muruzhinji vabva kubasa.

Murairidzi weBlack Rhinos Hebert Marowa arikukurudzira vatambi vezvikwata kuti vasafambe fambe asi kuti vagare mudzimba kana vabva kumitambo.

Mutambo weBlack Rhinos neCaps United iyo waiveko neMugovera hauna kutambwa.

Asi vavakidzani veMakepekepe veDynamos yakapinda muNational Sports Stadium ndokurova Cranbourne Bullets 1-0.

Kukunda uku kwapinza Dynamos mumapoinzi matanhatu uyezve pachinhanho chechitatu yakaenzana neFC Platinum iyo isina kuzoshanyira Bulawayo Chiefs.

Bulawayo City yakazotorawo poindi yayo yekutanga mwaka uno apo yakaita mangange 3-3 neHwahwa, zuva rimwechetero ZPC Kariba yakaita mangange 0-0 neTriangle.

Dambudziko rechirwere cheCovid-19 harisi munyika chete asi nekuEngland uko mitambo mitanhatu yemuPremiership kusanganisira weEverton ne Leicester uyo wanga uriko neMuvhuro, haina kutambwa nemhaka yechirwere chimwechetecho.

Zvichakadar, vePSL havasati vazivisa kuti kune mitambo here pakati pesvondo rino pasi rese rakatarisana nehorodhi yekisimisi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG